Kwayedza
Mhinduro yesvondo rapera:
Chiri mumoyo chiri muninga.
Chinhu chiri mumwoyo wemunhu hachigone kuonekwa kana kuzivikanwa. Chakafanana nechinhu chakavigwa mubako.
Zvekuita:
Chii chinonzi ninga?
Mhinduro:
Ibako rakavandika uye rinogona kunge rakareba.
* * *
Svondo rino:
- Chaza masikati charamba ndima, chaza usiku charamba hope.
Dambudziko kana chinhu chinoitika masikati chinotadzisa vanhu kuita mabasa avo emuminda, zvotiwo dambudziko rinouya husiku rinotadzisa vanhu kurara.
Zvekuita:
Chii chinonzi ndima?
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007