Tsumo nemadimikira namukanya

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Mwana atsva dumbu, amai vatsva musana.

Kana amai vachibereka mwana vanomuisa kumusana. Kana mwana achiberekwa dumbu rake rinenge rakabatana nemusana wamai.

Saka kana amai vatsva musana, mwana atsva dumbu zvinoreva kuti paita dambudziko guru rinokanganisa vese ari kubatsira neari kubatsirwa.

Zvekuita: Mwana anoberekwa nei chisiri tauro kana jira?

 

Mhinduro: mbereko

* * *

Svondo rino:

Kudya chemuzvere hubata mwana.

Kana munhu achida kuwana zvinhu kubva kune mumwe munhu, anofanira kubatsira nekuitira zvakanaka munhu wacho waari kuda kuwana zvinhu kwaari.

Zvekuita: Muzvere munhu akaita sei?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>