Tsumo nemadimikira namukanya

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Kudya chemuzvere hubata mwana.
Kana munhu achida kuwana zvinhu kubva kune mumwe munhu, anofanira kubatsira nekuitira zvakanaka munhu wacho waari kuda kuwana zvinhu kwaari.
Zvekuita: Muzvere munhu akaita sei?

Mhinduro: Mukadzi anenge asununguka, ane mwana mucheche.
* * *
Svondo rino:
Gonzo mhini rambira mumhango, chemudzimu chikuwane urimo.
Kana uri munhu agara ane hurema kana zvinhu zvaasingagone, rega kufarisa uchiita zvinhu zvinokuisa mumatambudziko kana muzvinhu zvinozokukanganisa.
Zvekuita: Izwi rekuti “mhini” rinoreva chinhu chisina kukwana. Chimhini zvinoreva chimedu. Muswe wakadimuka unogona kunzi chimhini kana kuti chi. . .
* * *

Mhinduro svondo rinouya.
Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links