Tsumo nemadimikira namukanya

17 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Avengwa anhuhwa.

Mukugarisana kwevanhu kana pachinge paita kuvengana, kazhinji vanhu ivavo havazodi kuonana kana kuswedera pedyo sezvavaisiita kare. Vanenge vave kuita sekunge vanonhuhwirana.

Zvekuita:Ndeipi mhuka inonhuhwa zvekuti tinoti, “Kunhuhwa se. . .”

 

Mhinduro: chidembo

* * *

Svondo rino:

Kuvhunduka chati kwata hunge une katurike.

Kuti “kwata” inyaudzosingwi inoreva kudonha. “Katurike” kanhu kaunenge wakaturika pamwe panhu uchiti kasaonekwe. Kazhinji munhu anovhunduka zvinhu zvinenge zvichitaurwa anenge aine zvaanoziva zvaanenge achivanza. Muenzaniso ndewekuti mapurisa akasvika achibvunza mbavha, munhu akaba anogona kungobvotomoka kana kutiza obva atozvibatisa.

 

Zvekuita: Ndeipi imwe nyaudzosingwi inoreva kudonha kwechinhu?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>