Kwayedza
Mhinduro yesvondo rapera:
Mapudzi anowira kusina hari.
Vanhu vanowanzowana zvinhu havasi vaye vanokoshesa zvinhu izvozvo kana kuziva zvekuita nazvo.
Zvekuita: Izwi rekuti “kuwira” riri mutsumo iyi rinoreva kubereka. Vanhu nemhuka vanobereka kana kuzvara, ko miti inoita sei?
Mhinduro: inobereka
* * *
Svondo rino:
Kurera imbwa nemukaka, mangwana inofuma yokuruma.
Kana ukaitira munhu zvakanakisisa, angave mwana paanenge achikura iwe uchimubata sezai, mwana iyeye kana akura anogona kusatenda uye agotokupandukira.
Zvekuita: Pedzisa dimikira rine chekuita nembwa rinoti: Kurova imbwa wakaviga . . .
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007