Tsumo nemadimikira namukanya

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Mapudzi anowira kusina hari.

Vanhu vanowanzowana zvinhu havasi vaye vanokoshesa zvinhu izvozvo kana kuziva zvekuita nazvo.

Zvekuita: Izwi rekuti “kuwira” riri mutsumo iyi rinoreva kubereka. Vanhu nemhuka vanobereka kana kuzvara, ko miti inoita sei?

 

Mhinduro: inobereka

* * *

Svondo rino:

Kurera imbwa nemukaka, mangwana inofuma yokuruma.

Kana ukaitira munhu zvakanakisisa, angave mwana paanenge achikura iwe uchimubata sezai, mwana iyeye kana akura anogona kusatenda uye agotokupandukira.

Zvekuita: Pedzisa dimikira rine chekuita nembwa rinoti: Kurova imbwa wakaviga . . .

* * *

 

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links