tsumo nengano namukanya

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

Tsuro paakaona mapurisa chete akada kutiza, asi pakanga pasina pekubuda napo. Mapurisa akabva ati, “Ko uri kuda kutiza asi une mhosva here? Wakanga uri kupi nezuro husiku?”

Tsuro akati,”Ndaive kubasa kumurungu wangu.”

Mupurisa akati, “Ko pawakabva pamba pemurungu naTsoko wakafamba sei?”

Tsuro akakwenya musoro. Mupurisa akati, “Ko pfuti iyi wakamboiona here?”

Tsuro akati, “Ipfuti yaTsoko yaakandinongedzera nezuro.”

“Ko sei usina kumhan’ara kuti wanongedzerwa pfuti? Zvino Tsoko ati ndiwe wakamupa pfuti iyi ukamuchengetesa zvinhu zvakabiwa.”

 

l Tsumo yacho: Kuvhunduka chati kwata, hunge une katurike.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

TSURO akaudzwa nevamwe vake vaaishanda navo kuti aive nenharo. Asi panzvimbo yekuti agadzirise hunhu hwake, Tsuro akatanga kuitisa vamwe nharo achiti vakanga vasingade kubvuma kuti Tsuro aive nenjere uye achigona kutaura kuvadarika. Asi pakupedzisira chakazoburitsa Tsuro basa kwaive kutsanangura nekuita nharo pese-pese nepaaifanirwa kunge achikumbira ruregerero. Tsuro haaiona kukanganisa kwake achizviita muzivi wezvose.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

l Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>