Tsumo nengano namukanya

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

NGUVA yesarudzo yakanga yasvika. Bere aida kusarudzwa saMP. Nekudaro, akaunganidza mhuka dzese pamusangano kuti akumbire kuvhoterwa. Asi Mhembwe akasimuka akatanga kupopota achiti Bere akanga asina kukodzera kuvamiririra nekuti aikara. Mbizi akatsigira mashoko aMhembwe akati, “Kana Bere akaita MP, tinosara tave varombo nekuti anongozvifunga iye ega.” Gudo akati, “Hama dzangu ichokwadi Bere anogona kunge akamboita zvinhu zvakaipa, asi dai mamupawo mukana.” Nzou akabva ati, “Hazviite zvauri kutaura Gudo, munhu ane maitiro aajaira haarege, anoramba achingozviita bedzi.”

Tsumo yacho: Shiri ine muririro wayo haiurege.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

GUDO airova mukadzi wake zvisina mukare akamboona. Mukadzi waGudo aigara achitya nekuti Gudo akanga amuudza kuti kana akangomhan’ara chete, aibva amuuraya. Rimwe zuva Tsuro akawana mukadzi waGudo achichema. Paakangoona Tsuro chete, mukadzi waGudo akabva akurumidza kupukuta misodzi akavanza kukuvara kwaakanga aita.

Asi Tsuro akazviona akanotaurira mapurisa. Pakauya mapurisa, mukadzi waGudo akamboda kuramba, asi mavanga ake ekurohwa aive akawanda zvekuti Gudo akazosungwa. Mapurisa akaudza mukadzi waGudo kuti anofanirwa kupota achichema uye kutaura zvinenge zvaitika kwaari pane kungokuvarira mukati. Zvakaipa zvinofanira kukurumidza kumhan’arwa nekuti munhu anogona kutourayiwa.

Mhinduro svondo rinouya

Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>