Tsuro: Unoita mari sekutamba

31 Oct, 2022 - 12:10 0 Views
Tsuro: Unoita mari sekutamba VaGift Jambaya vachiratidza imwe yemhando dzetsuro dzavanopfuya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURIMI anopfuya tsuro nekugadzira zvimwe zvinhu kubva muchipfuyo ichi muguta reHarare ari kukurudzira vamwe varimi kuti vapinde mubasa iri sezvo achiti rinopa mari yakawanda pasina kubuda dikita sezvinoitwa mumamwe mabasa ekurima.

VaGift Jambaya (47), avo vanoga mumusha weWestgate uye vachizivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti “Mr Tsuro”, vanoti vasvitsa makore anodarika gumi vachipfuya tsuro izvo zvavasimudzira mukurarama kwavo.

“Ikurudziro yangu kuti sevarimi titore kupfuya tsuro sebhizimisi, ibasa risinganetse asi rinoda chete kuzvipira nekudzidza kubva kune vane varimi. Mukurumbira wezita rekuti Mr Tsuro wakabva mukupfuya tsuro.

“Kunze kwekudzichebgeta, ndinogadzira matanga kana kuti zvikwere (cage) zvetsuro. Vandinotengesera tsuro ndinobva ndavatengeserawo nemakeji acho,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti vane mumwe wavo, Kumbulani Sibanda (29), uyo wavanobatsirana naye pakugadzira matanga aya, uyo wavanoti inyanzvi mubasa irori.

“Chinodiwa pakupfuya tsuro kutanga wava nematanga ako emwero unodiwa, wochitsvaga mhando yetsuro dzaunoda kupfuya uye wodzidziswa zvinodiwa pakudzichengeta. Ukadaro, unenge watopedza, wochipinda mubasa iri uchiziva kuti chasara kuzviwanira mari yako,” vanodaro VaJambaya.

Murimi uyu anoti ane mhando dzinodarika gumi dzetsuro dzaanochengeta dzinosanganisira California White, New Zealand White, New Zealand Red, Chinchilla Grey, Flemish Giant, Zika, Masango, English Sport, Cinnamon, Angola, Chocolate, Silver Fox neSilver Giant.

“Izvozvi ndine tsuro dzinodarika mazana matanhatu — diki nehombe — ndichitengesa dziri mhenyu kune vamwewo vanoda kunoduraya voga asi dzevamwe tinourayira pano.

Kumbulani Sibanda achigadzira danga kana kuti chikwere chetsuro. – Mifananidzo naNyasha Chisveto

“Asi vazhinji vanotenga mhenyu dzekupfuya. Nyama yetsuro iri kudiwa zvakanyanya munyika medu muno zvose nepamisika yekunze.

“Chikafu chadzo chinoda kutengwa nekuonawo vanachiremba vemhuka nguva dzose kuitira kudzivirira zvirwere.”

Kunze kwekudya senyama, vanoti tsuro dzine mvere dzinogadziriswa majuzi, nguwani, masikavha, mabhegi echidzimai nemibato yemakiyi (key holders).

Weti yetsuro inonzi inoshandiswa semushonga wekuuraya nhata mumuriwo nekuitawo manyowa sefetiraiza muzvirimwa.
Nhoko dzacho manyowa akanaka kuisa muzvirimwa zvakasiyana zvakare.

Danga kana kuti chikwere chetsuro. – Mifananidzo naNyasha Chisveto

“Nekuda kwemukurumbira watava nawo pakupfuya tsuro, ndakaona zvakakodzera kuti nditsigire vana vechikoro nyanzvi muzvidzidzo zvakasiyana. Ndava nemakore maviri ndichipa chipo chetsuro kumudzidzi anenge akunda vamwe vose muzvikoro zvinoita zvidzidzo zvekurima zvakaita seGwebi Agriculture College.

“Ndinopa kumudzidzi uyu tsuro mbiri, danga kana kuti keji yacho pamwe chete nechikafu chacho chinobva kune imwe kambani yakazvimirira,” vanodaro.

VaJambaya vanoenderera mberi vachiti: “Tsuro inogona kubereka kapfumbamwe pagore ichiita vana vanosvika 16 panguva imwe chete. Tsuro hombe inorema makgs anotangira pa3,5 kusvika 6,5. Pakudzitengesa tinotangira paUS$6 kusvika US$15.

“Chifungai kuti ukatengesa tsuro zana unozviwanira mari yakawanda sei?”

Vanotiwo nekuda kwekuwanda kwetsuro dzavo, vakawana nzvimbo yakatambanuka kuStapleford uko vari kutama vachienda munguva pfupi iri kutevera.

“Tine gungano revarimi vetsuro richaitirwa mumusha weHighfield, muguta reHarare masvondo anotevera apo ndichange ndiri muenzi anoremekedzwa saka ndinoti varimi ngavatore mukana uyu kuti vadzidze zvakawanda pamusoro pekupfuya tsuro,” vanodaro VaJambaya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey