Uku ‘vodya maB’, uku vachidya hove

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Uku ‘vodya maB’, uku vachidya hove Vana vepaEpworth High vachiraura hove

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIKORO cheEpworth High School, pedyo neHarare, chiri kubudirira zvikuru muzvidzidzo zvemabasa emawoko zvinosanganisira kurima nekupfuya hove, izvo zviri kufambirana nezviri mugwaro rezvedzidzo reNew Curriculum.

Pachikoro apa pari kuitwa zvimwe zvidzidzo zvakaita sekuchengeta huku, tsuro, kusona nekubika.

Zvidzidzo izvi zvinofambirana zvakare nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheVision 2030.

Mukuru wechikoro ichi, VaChristopher Kadenge, vanoti mabhindauko akadai sekupfuya hove, kuchengeta huku netsuro anobatsira vana mune ramangwana ravo.

“Tine vana vanoita zvekurima, saka vanoti kana vachinge vafunda mukirasi, voenda kudhamu kunoona machengeterwo ehove nekumatanga ehuku vachiona kuti huku dzinopfuiwa sei nekuzivawo chikafu nezvirwere zvinobata zvipfuyo izvi.

“Izvi zvinoita kuti vana vakurumidze kubata zvavanenge vachidzidziswa. Mabhindauko aya ari kubatsira zvakare chikoro chino nekuti anotiwanisa mari apo tinotengesa mazai nehuku uyewo nehove dzatinoraura mumadhamu maviri echikoro atakavakisa pano,” vanodaro.

VaKadenge vanoti kuchikamu cheHome Economics, vana vane zvitofu nemapoto zvavanoshandisa muzvidzidzo zvekubika uye michina yekusona mbatya idzo vanozotengesa.

Pachikoro apa pane makombiyuta ayo vana vanofundira zvidzidzo zvekufambiswa kwemashoko nenzira yechizvino-zvino, yeInformation and Communication Technology (ICT).

Share This:

Sponsored Links