UZ yopakura nyanzvi

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
UZ yopakura nyanzvi Tinashe Kadiki achiratidza muchina wemadiridziro uyo waakagadzira unodaidzwa kuti Irrigation Nod.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VADZIDZI vepaUniversity of Zimbabwe (UZ) vari kushandisa hunyanzvi hwavo mukugadzira zvinhu zvinobatsira muupenyu semichina inocheka sora ichishandisa mabhatiri uye neruzivo rwunobatsira mukurwisa zvirwere muzvirimwa.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vevadzidzi ava kuZimbabwe Agricultural Show, iyo yakaitwa muHarare nguva yadarika apo vairatidzira hunyanzvi hwavo.

Tedious Choga uyo ari kuita zvidzidzo zvekunzvera maringe nezvirimwa (Plant Pathologist) ari kuchikamu cheCrop Science anoti akabudirira kuita ongororo maererano neutachiona hunowodza zvirimwa zvakaita sematomatisi.

“Ndakaona kuti matomatisi anokurumidza kuwora nekuda kweutachiona hunodaidzwa kuti ‘fungicides’ saka pane zvimwe zvinhu zvatakaona zvinobva mumimwe miti zvinoti kana tikazvifukidza nepurasitiki pamwe nematomatisi, haawori.

“Kureva kuti miti iyi ine anti-fungal compound uye takazviisa murabhoritari tikaona kuti zvedi, matomatisi haawore nekuda kwezvinowanikwa mumiti iyi,” anodaro.

Tafadzwa Kavhumbura, uyo ari kuita zvidzidzo zveElectrical Engineering paUZ, anoti akaita purojekiti yake yekupedzisira payunivhesiti iyi yekugadzira muchina unocheka sora (loan mower).

“Muchina wandakagadzira uyu unocheka sora uye haushandise magetsi asi bhatiri kana magetsi anobva muzuva (solar energy.

“Pandaiita purojekiti iyi, ndaiedza kuona kuti makanzuru edu angabatsirikana sei apo anosangana nematambudziko ekukura kwesora.

“Ndakaona zvakare kuti vamwe vashandi vanokuvara pamabasa vachidimbuka makumbo nemaoko apo vanoshandisa michina inocheka sora, iya inoita zvekusundwa nemaoko.

“Kuburikidza nemuchina uyu, njodzi dzose idzi handidzitarisire nekuti unoshandisa rimoti (remote) saka unofamba woga munhu akatogara zvake,” anodaro.

Tinashe Kadiki uyo ari mugore rekupedzisira achiita zvidzidzo zveComputer Science akagadzirawo muchina wemadiridziro unodaidzwa kuti Irrigation Nod.

“Muchina uyu une dhiramu rinopinda mvura iro rinenge rakabatanidzwa nemapaipi anenge achiburitsa mvura pashoma-pashoma ichienda kuzvirimwa.

“Une muchina zvakare unenge uchiverenga nguva nehuwandu hwemvura inenge yaenda kuzvirimwa.

“Izvi zvinobatsira murimi kuti azive huwandu hwemwando hunenge hwapinda muzvirimwa zvake uye madiridziro emhando iyi anoita kuti mwando ugare pasi uchitevedza midzi yezvirimwa kuti zvikure zvakanaka,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>