VaChingweru vanodira murume bota raikwata

08 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 14 (Nyaya yacho: Enderero mberi)

VaChingweru vanoti tichaonaka ndokuti kuna Monika vanoda kuona musi iwoyu achiti haachadi kakomana kake ikako baba ndokuti asazviteerera. Monika anoramba akanyarara baba vake vachimukurudzira kuti arambe akadaro. VaChingweru vaona kuti Monika aramba kupindura vanomuti ngavasare vagarike. Monika anozoti amai vake vanoziva kuti vakanga vamuuraisa nekuti Mujubheki ainge aiita zvekumumanikidza akazobvisa nhumbu yake.

Baba vachinzwa izvi vanobva vashatirwa zvikuru zvekuti vanongoerekana vakwidza mbama kumudzimai wavo uyo anononhonga poto yaive nesadza raikwata pamoto ndokuikutura kumurume wavo uyo anozhamba zvinotyisa kwava kunopunzikira kwakadaro. Kana zvavo kuzomboti pfakanya. Monika haacherechedzi zvose izvi nekuti abatwa neshungu chaizvo amai vake ndokusimuka kundomugumbatira poshaya anotadza kutaura nekuchema. Panoshaikwa anonotarisa baba pavapunzikira.

ONGORORO

Kudimikira ndiko kwatinoona. Amai VaChingweru vari kutambudzika nepfungwa dzavo vachiti inga vakadoedzawo saamai kuti Monika ave musikana kwaye. Dai vakange vati ndizvo zvazvaizoita, vangadai vakangozvirega zvakadaro asi vainge vakazvitangira zvainge zvakazvigarira hazvo izvo vanodimikira vachiti, “ndakanozviparira mago anoruma” (71).

Vakadoedza kuti vataure naMonika iye kana kumbozviteerera sezvo akati “zvimiti munzeve ndindindi” (72). Amai VaChingweru apo vaisweronetseka kuti Monika adzidze vainge vachisekwa nevamwe vakadzi vachinzi “rinonhuhwa nhamu” (74). Enzaniso tinosangana nayo imwe chete iyo inobatsira kutiratidza apo Monika ainge ataura kuti akange aita zvekumanikidzwa naMujubheki ndokubvisa nhumbu yake. Zvinonzi mumba umu apo Monika akazvitaura akabva aridza mhere “sepakanga pafiwa” (76). Maererano netsika nemaitiro evanhu pane zvatinodzidza pana Monika. Mwanasikana uyu tinonzwa amai vake vachigunun’una vachiti, “Aiti ndikamupa mari yokukwirisa bhazi kubva kuchikoro, pakawana inosara aitosvika nayo kuzoti oi, mhai!” (72). Amai ava havariri mwana wavo Tendai uyo vanoti, “zvino zvaakapinda rwokuti, ndonoona mukoma, ndonoona mukoma achinorarako, ndinoziva chinoitika ikoko here norupfambi rurikorwo?” (72).

CHITSAUKO 15 (Nyaya yacho)

Monika ndiye anoendesa baba vake kuchipatara kuChivhu uko vanosvikopihwa mubhedha vasina kumbomira mumutsara. Monika achibvunzwa kuti vatsva sei anonyepa achiti vakatsika rukuni rwaive muchoto ndokubva rwatibinyura hari yaive muchoto ichikwata asi varapi vanoratidza kusazvidaira.

Paanobva kuchipatara, Monika anopfuura nekwaTendai ndokumuudza zvakanga zvaitika kwava kuzonanga kumusha kwava kuzviona kuti zvechokwadi amai vake vakanga vashinga kuti awanikwe naMujubheki izvo zvinobva zvashingisawo pfungwa yekuti aroorwe naTimoti. Anobva anyorera Timoti tsamba yekuti aitofanira kuuya kuzomuona chete kupera kwesvondo iroro.

Timoti apo anouya, Monika anotaurira amai vake kuti achambonoona baba kuchipatara kwava kuenda kwamainini vaTimoti uko anorara achidzoka remangwana racho zuva rodoka kwava kutaurira amai vake kuti baba vava kuita zviri nani asingazivi kuti munhu ari kuita kuchekwa dzimwe nyama kuita zviremo mune dzimwe nzvimbo dzomuviri wavo dzakanga dzanyanya kutsva. Vagere mumba amai vanotanga yavo yokuti Mujubheki ainge aripo achiti Monika kana adzoka ngaasvike kumba kwake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>