‘Vadyanana’ panight club

31 May, 2022 - 13:05 0 Views
‘Vadyanana’ panight club Dare

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

MUDZIMAI anogara kwaZimunya, kwaMutare ava kuzvidemba mushure mekunge kurwisana kwaaiita nemurume, uyo waaine mwana naye ane makore matatu okuberekwa, kwakapedzisira kwoita semakwikwi ekurumana nemazino.

Joyce Chireshe (30) anogara kuZimunya Township akamiswa mudare reMutare Magistrate Court pamberi pemutongi Muzvare Prisca Manhibi nemusi weMuvhuro.

Aitarisana nemhosva yekuzvidza dare mushure mekutadza kutevedza zviri mugwaro redziviriro iro rakapihwa Mwakabvanazvo Sithole, uyo waaine mwana naye, gore rapera.

Gwaro iri rinomurambidza kutuka, kurova, kutyisidzira pamwe nekushungurudza Sithole uye richange richishanda kusvikira gore ra2026.

Muchuchusi VaThurstone Mubvumbi vaudza dare kuti Chireshe akazvidza dare kuburikidza nekutyora mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act, Chapter 9:23.

Asi, Chireshe ari kuramba mhosva iyi achiti Sithole ndiye akatanga kumuruma apo akamuona ari panight club achisasana zvake.

“Akandiruma padama. Pandakamurumawo, ndaizama kuzvidzivirira. Handina kumbobvira ndazvidza dare nekuti ndini ndakatanga kusvika kubhawa iye asiko.

“Ndaida kumbozvifadza kwete kukanganisa rugare rwake,” anodaro Chireshe.

VaMubvumbi vanoudza dare kuti nemusi uyu, Chireshe naSithole vanonzi vainwa doro panight club vari panzvimbo dzakasiyana.

Chireshe anonzi akazoona Sithole achitaura nemumwe mukadzi, Manyara Mharapara, izvo asina kufara nazvo.

“Chireshe anonzi akatanga kutuka Mharapara achiti ndiye aimufurira kuti asachengete mwana wake. Sithole anonzi akapindira munyaya iyi ndokuzama kumisa Chireshe kuti asatuke Mharapara.

“Izvi zvinonzi hazvina kufadza Chireshe akabva adzipa Sithole pahuro. Vaviri ava vanonzi vakakakaritsana apo Chireshe akazoruma Sithole munwe mukuru,” vanodaro VaMubvumbi.

Sithole anonzi akazama kuzvidzivirirawo nekuruma dama raChireshe apo vaviri ava vakabva vatanga kurwisana.
Vanonzi vakazorandutsirwa naGrace Mahachi uyo aivepowo pabhawa iri.

“Vose vakaita mavanga pamiviri yavo nekuda kwekurumana uku. Chireshe haana kutevedza mutemo apo akazvidza gwaro rakapihwa nedare,” vanodaro VaMubvumbi.

Chireshe akanzi adzoke kudare munguva pfupi iri kutevera kuti azopihwa mutongo wake apo ari kutongwa achibva kunze.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>