Vadzidzi 10 600 vodzidza Stem

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Vadzidzi 10 600 vodzidza Stem DR Godfrey Gandawa

Kwayedza

Tandayi Motsi —
MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, vanoti vadzidzi 10 568 munyika yose vari kuita zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM) apo chikamu che48% chavo vari vanasikana.

Dr Gandawa vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate vachipindura mubvunzo wenhengo yedare iri yekuMashonaland Central, Sen Alice Chimbudzi.

Sen Chimbudzi vaida kuziva mafambiro ari kuita chirongwa cheSTEM, zvikuru takatarisana nekubatsirikana kuri kuita vanasikana.

Dr Gandawa vanoti chirongwa cheSTEM chiri kutambirwa zvakanaka munyika yose.

“Pari zvino tine vadzidzi 10 568 vari muchirongwa cheSTEM munyika yose. Chikamu che52% chevadzidzi ava vanakomana uye 48% vanasikana.

“Tiri kukurudzira vanasikana kuti vapinde muchirongwa ichi nekuti tinoda kuenzanisa mikana pakati pavo nevanakomana asi kune vanasikana vane chitsama vari kuti zvidzidzo zvesainzi,” vanodaro Dr Gandawa.

Vanoenderera mberi vachiti: “Vanakomana kana vave kuyunivhesiti vanowana mikana yekuita zvidzidzo zvesainzi. Saka tiri kutora matanho ekuti vanasikana vange vachiitawo zvidzidzo izvi.”

Sen Chimbudzi vanobvunza zvakare pamusoro pematanho ari kutorwa nebazi redzidzo iri maringe nekudzidziswa kweHIV neAIDS muzvikoro zvepamusoro.

Dr Gandawa vanoti bazi ravo rakaona zvakakosha kuti nyaya dzeHIV neAIDS dzinge dziri mudzidzo yepamusoro.

“Curriculum iyi yakavandudzwa muna 2003 izvo zvakaita kuti pange pachiparurwa gwaro reHIV and AIDS Policy iro rakanangana nezvikoro zvedzidzo yepamusoro. Chinangwa ndechekuti makoreji nemayunivhesiti ave nehwaro hwakajeka hwekufambisa zvirongwa zvawo maringe nezvidzidzo zveHIV neAIDS,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links