Vakadzi vane chido nemba

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
NYANDURI anojekesa kushungurudzika nekudzvanyirirwa kunoitwa vashandi ivo vashandirwi vachidya vachiguta paanoti, “Ndoshamiswa nekuzvimbirwa kwenyu shefu, muchikanganwa kuti arima ndini.” Nyanduri anotsutsumwa nekutendwa namashoko chete asi mashoko acho asingakwanisi kuti mhuri yake igute paanoti, “Ndaneta nekudetemberwa kuti ndinogona, mashoko chete handiwo anodya mhuri yangu.” Nyanduri anoshungurudzika kuti vashandirwi vanomirira apemhe mukoho wake asi iye aushandira zvakasimba paanoti, “Munomirira sei kusvika ndagomberwa? Zvoita kunge ndapemha ini ndashanda sembongoro.” Mudetembo Nhaurwa Muchizarira Robison Shumba anojekesa mhosva dzakasiyana-siyana dzinoparwa navanhu idzo dzinoita kuti vapinde mujeri.

Mudetembi anotsanangura kuti kune vanhu vanorarama nekuba, uye havadi kusiya tsika yavo yekuba iyi kunyange vakasungwa paanoti, “Ini ndapindira yekuba muno chokwadi ndechekuti ndakatoba, ndichibuda muno ndiri kunoba.” Nyanduri anojekesa kuti vamwe vanhu vanosungirwa kutuka vatungamiriri vavo mushure mekunge vadhakwa izvo zvinoita kuti vapinde mujeri paanoti, “Ndakatuka mambo ndakadhakwa.”

Robison Shumba anojekesa kuti vamwe vanhu vanopinda mujeri asi vasina mhosva dzavakapara asi kuti vanenge varongerwa nevavengi vavo paanoti, “Zvanzi ndini muridzi wezvinokachidza ndaisaziva kuti vanhu vanoshinha kudaro, mumotokari yangu mawanikwa zvizere.” Mudetembo Ndoenda Zvangu nyanduri anojekesa kuti madzimai anoshingirira pavanenge vachisangana nematambudziko mudzimba dzavo vaine tariro yekuti zvimwe zvichaita zvakanaka asi dzimwe nguva upenyu hunoramba hwakangooma. Nyanduri anojekesa kuti varume vanorova vakadzi vavo zvekutovakuvadza paanoti, “Zvazondigombera ndapihwa muchiso, honai mavanga ezvibhakera pachiso o-o!” Nyanduri anojekesa kuti vanhurume havachengeti mhuri dzavo paanoti, “Munhu rudzii asina hanya nevamwe? Anongozvifunga oga kwete vamwe? Nevana pavhiki todya kamwe.”

Nyanduri anojekesa kuti vanhukadzi vanomboshingirira kuti dzimba dzavo dzimire asi varume havazvioni paanoti, “Ndaifunga tichachembedzana sevamwe ndakashingirira kwemazhinji makore zvose zvaaida ndichimuitira, asi tazosvika kwamvurayachekamakumbo zvino.” Nyanduri anojekesa kuti varume vanosema vakadzi vavo vemumba kana vave kudanana navamwe kunze paanoti, “Ndosemwa naye sendine chidembo mukamwa.” Cherechedzo: Mukatarisisa dzimwe nhetembo dzaongororwa kumavambo kwemhinduro ino munoona kuti hadzina kunyatsopihwa pfupiso dzizere. Vandudzaiwo neruzivo rwamunoona rwakakodzera makanangana nenhetembo dzacho.

Mhando dzemibvunzo yenhetembo

Muupenyu mune kunyengerwa kwakanyanya kunosangana nevanhu vakasiyana-siyana. Ongorora pfungwa iyi uchishandisa nhetembo shanu. [25]

Uchishandisa nhetembo shanu, buritsa zviri kutaurwa navananyanduri vakasiyana-siyana pamusoro petsika dzaparara munyika. [25]

Sarudza nhetembo shanu dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana dzine dingindira rerayiro ugotsanangura zvinotaurwa mune imwe neimwe yadzo. [25] Tsanangura, uchipa tsigiro yakasimba, madetemberwo, zvidavado uye kukosha muupenyu hweVaShona kwemhando mbiri dzenhetembo dzinobva mubumbiro rino. [25] Tsanangura mashandisirwo ari kuitwa zvidavado zvakasiyana-siyana nanyanduri mumwe chete waunofarira ari mubumbiro iri. [25]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>