‘Vakadzi’ venyoka vodanwa namambo

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
‘Vakadzi’ venyoka vodanwa namambo MARIA-MARIZANI

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VAMWE vevakadzi nevarume vekwaMambo Svosve, kuMarondera — avo vanoti vari kuoneswa pfumvu nenyoka iri kushinha navo pamadiro — vakazodeedzwa kudare ramambo weko zvichitevera kubuda kwakaita nyaya iyi muKwayedza svondo rapera pamberi.

Bepanhau rino rakaburitsa nyaya yevakadzi nevarume vari kuti vashaya zvekuita nenyoka iri kushinha navo — angave masikati kana husiku.

Vamwe vakaita hurukuro neKwayedza pamusoro penyaya iyi ndevanoti Ian Nyahuye (45), Matsai Arumando (28), Esmerry Kachale (47), Rachel Bezzel (39), Maria Marizani (34) naGladys Njaka (40) avo vanogara kuWard 19 kuDhirihori.

Zvichitevera kubuda kwakaita nyaya iyi muKwayedza, vamwe vevanhu ava vakazoridzira nhare kubepanhau rino vachiti vakashevedzwa kudare raMambo Svosve vachiti vari kupomerwa mhosva yekuti vatori venhau vakapindirei mudunhu iri nekunotaura navo vasina kutanga vanozvisuma kwamambo.

“Isu ndisu tiri kurwadziwa, tonzi rambai makanyarara, tonzi ripai zvakare. Inga tinonzwa vakawanda vanobatsirwa kuburikidza nekubuda munhau. Zvino hamheno tichanonzwa kwavari mambo,” anodaro mumwe wevakadzi vanoti vari kushinhwa navo nenyoka.

Mambo Svosve pavakaridzirwa nhare neKwayedza nemusi weMuvhuro wadarika, vakatsinhira kuti vaive vashevedza vanhu ava kudare ravo.

“Ichokwadi, ndavashevedza nhasi chaiye vatombouya kudare kwangu uye vachadzoka mangwana. Ndinoda kunzwisisa nyaya yavo vachitaura voga. Ndaisava muno, ndaiva kuZambia pakabuda nyaya iyi zvekuti ndakatozofonerwa naMambo (Fortune) Charumbira vachiti vanoda kuziva nezvenyaya yenyoka idzi kudunhu rangu,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Imi veKwayedza kana muchisvika mumatunhu handiti munofanirwa kutanga maonawo here madzishe nemadzimambo? Chokwadi here vanhu vanodarika 200 kunzi vanoshinha nenyoka?

“Handizive kuti dambudziko ravo rinogadziriswa nemi here veKwayedza kana kuti neni mambo wavo. Vachauya zvavo kana dambudziko ravo rakura, ndinoda kuenda nevakomana vangu tonomira patsime ipapo tione kuti pane anonyengwa here nenyoka idzi.

“Izvo zvavari zvekuti tashevedzwa namambo zvimwe zvacho vave kuwedzera. Hakusi kuda kutongwa kuti varipe asi kuda kuti isu tizivewo dambudziko ravo semhuri iri pasi pangu”

Mambo Svosve vanoti mumusha uyu makambouya tsikamutanda asi vanhu vemo vakaramba kuti uchenurwe.

“Musha uyu unorema, munofiwa zvikuru. Pane munhu ane zita riri kutaurwa nevanhu ava kamwewo kachembere kari kunzi kanopenga. Makambouya tsikamutanda vakanzi vabvisirwe zvirimo vakaramba asi tsikamutanda ini handidi kumuona,” vanodaro.

Nyaya yekushinhwa nayo nenyoka iyi yakazofumurwa nemamwe madzimai emudunhu iri avo vanoti vaoneswa chakati tende nechikara ichi mushure mekunge yambovanzwa kwenguva refu.

Mamwe ematambudziko anonzi anosanganikwa nawo nevagari venzvimbo iyi kurwadziwa nemakumbo achipisa nekuzvimba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>