‘Vakafirwa musangogara, itaiwo tumabhindauko’

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Vakafirwa musangogara,  itaiwo tumabhindauko’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinomiririra madzimai nevarume vakafirwa nevadikani vavo uye vakarambwa kana kuti vasina kumbopinda muwanano zvachose pamwe nenherera, reZimbabwe Widows, Widowers and Opharns Trust, riri kukurudzira vanhu ava kuti vasagarire maoko, asi kuti vaite mabhidhauko anovararamisa.

Izvi zvakabuda pagungano reSingle Women’s Conference rakaitwa kuHarare Gardens, muguta reHarare, nguva pfupi yadarika.

Vachitaura pagungano iri, Mai Judith Mupudzi (57) vanove shirikadzi vanoti shirikadzi hadzifanire kungogarira maoko dzichimirira kurarama nekupemha.

“Sangano iri rava nemakore matatu richishanda zviri pamutemo richitsigirwa neMaster of High Court nekuti sechirikadzi netsvimborume, tinosangana nematambudziko ekutorerwa midziyo iyo tinenge takashandira yakadai sedzimba, mota, minda nemabhizimisi pakati pezvimwe.

“Master of High Court vanotibatsira kuti tikwanise kuwana midziyo iyoyo pasina kumbunyikidza uye kutitsvagira magweta anotimiririra,” vanodaro.

Mai Mupudzi vanoenderera mberi vachiti, “Asika, hazvirevi kuti kana munhu uchinge wafirwa otopeta maoko ogara achichema nhamo, kwete. Tine mabhindauko akawanda atinoita anosanganisira kurima miriwo tichitengesa, tinogadzira mafuta ekuzora, makenduru, kuruka mabhasikiti, kusona mbatya, kubika nezvimwe.”

Vanoti vanoita zvekare mikando yekupanana mari dzinotenderera zvinova zvinobatsira kuti mabhindauko avo arambe achienderera mberi.

“Taimboda kutora mari dzechikwereti kumabhengi asi takashaya zvibatiso zvaidiwa sedzimba dziri mumazita edu zvichitevera nyaya dzekumbunyikidzwa tichitorerwa dzimba nehama dzevarume. Saka takaona zvakakosha kuti tiite mikando yedu inova nzira yekubhenga nayo mari. Tine nherera dzatinobatsira zvekare tichidzibhadharira mari dzechikoro,” vanodaro.

Mai Faith Pemba (61) vekuKuwadzana, muHarare vanochema nenyaya yekudhurirwa nezvekushandisa mukugadzira mafuta.

“Tinodawo rutsigiro rwemari kana rwezvekushandisa mumabhindauko edu ekugadzira mafuta nekuti zvava kudhura zvakanyanya. Mabasa emaoko akanaka zvikuru nekuti anotivaraidza, seshirikadzi hatizofungi zvinhu zvakawanda zvinotimutsira maBp nekuti nguva zhinji tinenge tiri pabasa,” vanodaro.

Shirikadzi netsvimborume dziri kukumbira kuti Hurumende itarise nhunha dzavo pamwe nekuvatsigira sezvo vari vanhu vari mumupanda wevanotambura muupenyu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>