Vakaitwa dititi nechaunga

18 Sep, 2020 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekudunhu reMatabeleland South ari kukurudzira veruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzekushungurudzwa kwakasiyana nedzimwe mhosva dziri kuparwa.

Izvi zvinotevera vhidhiyo riri kutenderera padandemutande revarume vatatu vanoonekwa vachirohwa nechaunga zvakaipisisa apo vanenge vakasungwa maoko vachipomerwa kuti makororo anobira nekubhinya.

Mutauriri wemapurisa kudunhu iri, Chief Inspector Philisani Ndebele, vanoti munhu wose ane kodzero yekumhan’ara kushungurudzwa kana kukanganisirwa kwaanenge aitwa.

Muvhidhiyo riri kutenderera iri, mhomho yevanhu inobuda ichitema nematombo nekurova nemazishamhu varume vatatu ava vachiridza mhere varere pasi vachinzi imbavha dzinoshungurudza vanhu kumuganhu weBeitbridge.

Vanhu vairova varume ava vanonzwikwa vachishevedzera nemazwi ari pamusoro kuti imbavha dzinobira vanhu nekuvabata chibharo dzichitora mukana wevanoyambuka muganhu nemusango vachienda kana kudzoka kunyika yeSouth Africa.

“Hapana ane peturu here? Enda unotenga peturu tivapise. Manga muine pfuti, pfuti iripi?” vamwe wevanhu vari mumhomho vanonzwikwa vachidaro apo varume vari kurohwa ava vainge vangova ropa rekukuvara.

Chief Insp Ndebele vanoti hakuna ane mvumo yekuranga mumwe munhu achimuti akanganisa kunyangwe akapara mhosva yakaita sei.

Vanoti ibasa remapurisa kusunga vanhu vapara mhosva nekuvaendesa kumatare edzimhosva.

“Nyika ino ine mitemo, hakuna munhu anobvumirwa kutora mutemo achiuisa muhomwe dzake sezvinoonekwa muvhidhiyo iri ruzhinji ruchirova vanhu. Iyi imhosva yavaitopara.
“Vakarohwa vanofanirwa kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa itange kuferefetwa vanhu ava vasungwe,” vanodaro Chief Insp Ndebele.

Varume vatatu ava vose vainge vakasungwa maoko nekumusana apo vaizvambaradzwa kurohwa nemazishamhu nemhomho yevanhu.

“Nyaya iyi inoratidza kuti haina kusvitswa kumapurisa zvinoita kuti isu semapurisa itinetse kutevera,” vanodaro Chief Insp Ndebele.

Vanoyambira veruzhinji kuti kune mamwe makororo anobira vanhu mushure mekutanga vavapomera mhosva dzavasina kupara senzira yekuwana masvikiro pavari.

“Muvhidhiyo iri tinoona kuti kune mumwe aipomera varume ava kuti vaiva nepfuti akazogumisira ava kusecha homwe dzavo. Zvinoitika vanhu vose vachiona vachitofunga kuti imbavha nyambisirwa vacho vari kurova ndidzo mbavha, saka tinoti nyaya dzose ngadzisvitswe kumapurisa.”

Chief Inspector Ndebele vanoenderera mberi vachiti, “Tinokurudzira vanhu kuti vayambuke muganhu wenyika nepanotenderwa kwete kupinda nemusango kana murwizi Limpopo sezvo zviine njodzi yekurasikirwa neupenyu kana kubirwa. Ivai nematsamba anodiwa mofamba zvisina njodzi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>