Kwayedza
Tatenda Shuro
VAMWENE vakachema-chema mudare vachiti vashaiswa rugare nemuroora wavo uyo ari kufurufusha maroja pamwe chete nevavakidzani vavo.
Norah Chikwavira ataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekumhan’arira muroora Letwin Katandika.
“Uyu muroora wangu, asi andishaisa rugare nekutukana nemaroja nevavakidzani vangu izvo zvava kundinetsa nokuti ndinotozoita zvokuudzwa sezvo ndisingagare ipapo,” anodaro.
Chikwavira anoti akambofunga kuti muroora wake abve pamba apa.
“Ndaitoda kuti abve kana kusasvika pamba pangu asi nokuda kwekudaidzwa kwandakaitwa nevekusvondo kwangu vachiti ndimupe mumwe mukana, ndinokumbira ambomira kubva hake sokunyora kwandakange ndaita mumapepa angu uye asapamhidze kuzviita. Asi, mondipa chikumbiro changu nokuti ndinofanira kugara ndine mutemo,” anodaro.
Katandira anoti haana dambudziko nechikumbiro chavamwene vake.
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chikwavira gwaro redziviriro.