Vana 20 000 vosiira chikoro panzira

13 Nov, 2019 - 13:11 0 Views
Vana 20 000 vosiira chikoro panzira MuZimbabwe hazvitenderwe kuti vana vadzingwe chikoro nechikonzero chekuti vanenge vasina kubhadharirwa mari dzechikoro

Kwayedza

Thandeka Moyo

VANA vanosvika 20 400 munyika yose vanonzi vakasiira chikoro chepuraimari panzira, vamwe vacho mushure mekuroorwa muna2018 uye pari zvino Hurumende iri mushishi kutora matanho ekuti mwana wose akwanise kuwana dzidzo.

Pavana ava, 231 vavo vakasiira chikoro panzira mushure mekunge varoodzwa.

Izvi zvakabuda kubva muongororo yakaitwa nesangano reUnited Nations Educational, Scientific and Cultural Organisation (Unesco).

Zvikonzero zvekusiira chikoro panzira zvakasiyana-siyana asi zvakanyanya kuwanda zvinosanganisira kushairwa mari nekungoregera kuenda kuchikoro pasina kuzivisa izvo zvakasvitsa vana ava pahuwandu hwe15 919 pane vakasiya chikoro.

“Zvikonzero zvekusiya chikoro zvinosanganisira kusiya pasina kuzivisa, kufa, kudzingwa, kurwara, kuroora kana kuroorwa, kubata pamuviri nekushairwa mari yechikoro. Vana 9 200 vakasiya chikoro pasina zvikonzero zvakajeka uye 6 717 vacho vakashairwa mari,” inodaro Unesco.

Sangano iri rinoenderera mberi richiti, “Vana 1 154 vakafa mugore ra2018 uye vamwe 2 164 vakasiya chikoro nezvikonzero zvisina kubudiswa pachena. Vana 112 vakadzingwa muzvikoro uye vamwe 180 vakasiya nekuda kwekubata pamuviri. Vamwe 231 vakasiya mushure mekuroodzwa.”

Unesco inoti vamwe vana 624 vakasiya chikoro nekuda kwekurwara.

“Maererano neumboo huripo, vana vanosvika chikamu che50 percent vakomana vakasiya chikoro pasina zvikonzero kana zvichienzaniswa nevasikana. Pavana vose vakasiya chikoro muna2018, kuzvikoro zvekupuraimari vakomana vanosvika 11 070,” inodaro Unesco.

Muhurukuro nevaimbova gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari – Professor Paul Mavima – vanoti Hurumende iri kushanda kugadzirisa dambudziko iri.

“Chekutanga ndechekuti vamwe vana vanopedzisira vasiya chikoro panzira nenyaya yekushaya ruzivo kwevabereki nevanovachengeta. Mutemo weHurumende unoti hapana mwana anofanira kubviswa pachikoro nekuti haana kukwanisa kubhadharirwa mari yechikoro uye izvi takatozvisimbisa mumutemo mutsva uri pakati pekubikwa weEducation Amendment Bill,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti Hurumende ine chirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM) chekubatsira vana vanoshaya.

“Ibasa remunhu wose anochengeta mwana kuti vana vanoshaya vawane mukana wekudzidza. Vakuru vezvikoro vanokurudzirwa kuti vaone kuti hapana mwana anodzoserwa kumba nenyaya yekuti haana kubhadharirwa mari yechikoro iko kuine zvirongwa zvakaita seBEAM izvo zvinobatsira kupedza matambudziko aya,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti chirongwa chekupa vana chikafu muzvikoro chakauya nechinangwa chekubatsira kuti vadzidze vakagwinya.

“Hurumende yakatotanga kupa vana chikafu chinovaka muviri chinosanganisira bhinzi nemachunks. Hongu, taiva nematambudziko ataisangana nawo pachirongwa ichi nekuda kwekushaikwa kwechibage, asi zviri kuvandudzika uye tinofara kuti zvimwe zvikoro zviri kuwana chikafu kuburikidza nekubatana nevemabhizimusi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links