Vana 8 vodya nhoko dzezvironda . . . havana kana chavainacho

03 May, 2023 - 16:05 0 Views
Vana 8 vodya nhoko dzezvironda . . . havana kana chavainacho Agness Jumbe

Kwayedza

Fungai Lupane ari kuBINDURA

VANA vasere vanogaras mubhuku raMhasvi, kwaMambo Masembura, kuBindura, vari kudya nhoko dzezvironda zvichitevera kusiiwa kwavakaitwa naamai vavo mumaoko emwanasikana wemhuri iyi ane makore 20 okuberekwa uyo ane wakewo mwana.

Vana ava vose vari vasere vane makore ari pasi pe12 okuberekwa uye hapana ari kuenda kuchikoro.

Agnes Jumbe (20) anoti vanorarama nekuita maricho nekupemha izvo zvinopa kuti dzimwe nguva vaswere pamwe nekurara nenzara.

“Tinotoita maricho kuti tiwane kurarama. Katove kechipiri amai vachindisiya ndoga nevana ava, saka ndongoona zviri nani kuti ndivatambire nekuti vanin’ina ava ndevangu, ndinogara navo,” anodaro Agnes.

Agness Jumbe

Amai vaAgnes vanonzi vakasiya vana ava mushure mekunge vatorana nemumwe murume uyo vave kugara naye kuShamva, mudunhu rekare reMashonaland Central.

Pakasvika Kwayedza pamusha panogara Agnes, aive akazvivharira mumba ari oga.

Pamba panogara Agnes nevana vasere

Musi uyu akati airwara nemudumbu pamwe nekurutsa uye muviri wake hauratidzike semunhu abva zera.

Vana vose, kusanganisira waiye Agnes, vainge vasipo vachinzi vakatakurwa naamai vake.

Asi anoti anoshuwira kunovatora zvakare nekuda kwekuti vana ava havana kugara zvakanaka kwavari uye zviri ani iye agare navo kunyangwe vachitambura.

Pamusha pagere Agnes nevana ava panonzi hapazi pavo uye vari kutopachengetawo.

Pamba panogara Agnes nevana vasere

Vemunharaunda iyi vanoti vanosiririswa zvakanyanya nekurarama kwemhuri iyi uyewo Agnes haamo mumabhuku ekutambiriswa chikafu chinopihwa vanhu vanotambura neHurumende.

Mai Shupikai Makwavarara, avo vanoona nezvehutsanana munharaunda iyi, vanoti hazvina kunaka kuti vana vasiiwe vachitambura sezviri kuita mhuri iri kuchengetwa naAgnes iyi.

Mai Shupikai Makwavarara

“Baba naamai kana maona kuti imi hamukwanise kuchengeta vana, zviri nani kurega kubereka vana pane kutambudza mumwe mwana kuti achengete vana. Pane nzira dzakasiyana dzinoshandiswa kudzivirira kubereka vana pane kuti unobereka vana wozovatambudza saizvozvi,” vanodaro Mai Makwavarara.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Rumbidzai Mudzingwa avo vanova muvakidzani wemhuri iyi vachiti vanombobatsira Agnes nevana vaanochengeta nepavanokwanisawo.

“Upenyu hwacho hwakangooma, rubatsiro rwavangade rwunosanganisira chikafu nekuti vana vaende kuchikoro, sipo nehembe dzekuti vapfeke. Zvekuti ipapa mumba macho hamuna kana hupfu chaihwo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links