‘Vana muzvikoro vari pakanaka’

22 Feb, 2022 - 18:02 0 Views
‘Vana muzvikoro vari pakanaka’ VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VABEREKI havafanirwe kuvhunduka zvichitevera kunyuka kwakaita chirwere cheCovid-19 muzvimwe zvikoro zvishoma sezvo mamiriro ezvinhu akadzikama, vanodaro VaTaungana Ndoro vanove mukushi wemashoko kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari.

Vanoti zvikoro zvakawanda zviri kutora matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwedenda iri pakati pevadzidzi.

“Takaenda kumativi ose enyika tichiona kuti mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 iri kutevedzwa here muzvikoro uye tinonzwa kufara kuti zvikoro zvakawanda zviri kutevedza mararamiro matsva avepo,” vanodaro VaNdoro.

“Hatitarisire vabereki kuti vavhunduke sezvo muzvikoro zvedu mamiriro ezvinhu akadzikama.”

Izvi zvinotevera kunyuka kwakaitwa chirwere ichi kune zvimwe zvikoro zviri kumatunhu anosanganisira Masvingo uko kwakabatwa vadzidzi nevamwe vashandi vepachikoro vanosvika 13, kuMatabeleland North kukabatwa vaviri uye kuManicaland kukawanikwa mumwe chete aive nedenda iri.

Pasi pematanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19, zvikoro zvinofanirwa kutevedza mitemo iri pasi peStandard Operating Procedures (SOPs).

Mitemo iyi inosanganisira yekuti vadzidzi vanosungirwa kugara vakapfeka mamasiki avo nenzira kwayo, kushambidza maoko pachishandiswa mvura ine sipo kana sanitizer uye kusaita chitsokotsoko.

Hurumende iri kukurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira denda iri kuitira kuti miviri yavo ikwanise kurwisa chirwere ichi pamwe nekudzivirira kufa.

Vanhu 4,3 miriyoni kusvika pari zvino vabaiwa nhomba yekutanga (1st dose) apo vamwe 3,3 miriyoni vabaiwa yechipiri (2nd dose).

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya nhomba chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kana kuti vanhu 10 miriyoni kuti pave nekudzivirirwa kubva kudenda iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>