‘Vana vakamitiswa dzokai kuchikoro’

12 Sep, 2021 - 08:09 0 Views
‘Vana vakamitiswa  dzokai kuchikoro’ VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Nqobile Tshili

CHIKAMU che24 percent chevana munyika yose vanonzi vakatadza kudzokera kuchikoro pazvakavhurwa nekuda kwekuti vakaita pamuviri apo vamwe vanakomana vave kuitawo mabasa echikorokoza, kuchiti vamwe vabereki vachikundikana kubhadhara mari dzechikoro.

Zvikoro zvakavhurwa nemusi wa30 Nyamavhuvhu kuvana vari kunyora bvunzo dzeGrade 7, Fomu 4 ne6 kuchiti vamwe vose vakazovhura neMuvhuro wadarika.

Zvange zvakavharwa kubva munaChikumi mushure mekunge chirwere cheCovid-19 chanyanya kunetsa izvo zvakaita kuti Hurumende iise chirongwa cheLevel 4 National Lockdown nechinangwa chekurwisa denda iri.

Kuvharwa kwezvikoro kwenguva refu uku kwakakanganisa fundo yevana.

Mukushi wemashoko kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, VaTaungana Ndoro, vanoti chikamu che76 percent chete chevana ndivo vakakwanisa kudzokera kuchikoro pazvakavhurwa.

“Kusvika pari zvino, vadzidzi vakadzoka kuchikoro chikamu che76 percent uye tiri kuzama kuti vasina kudzoka vauye kuchikoro. Tine zvirongwa zvatiri kuita munharaunda dziri kumatunhu ose enyika.

“Tinokurudzira vana vakasiiyira chikoro panzira, zvisinei nekuti zvikonzero zvipi, kuti vadzoke kuchikoro. Yeukai kuti mutemo weEducation Act wakavandudzwa uye unotendera vadzidzi vanenge vaita pamuviri kuti varambe vari pachikoro, kunyangwe avo vakazvara vana vanokwanisa zvakare kuuya kuchikoro,” vanodaro VaNdoro.

“Tine vakomana vechikoro vave kuita mabasa echikorokoza nezvimwe zvakasiyana. Tinoda kuti vadzoke kuchikoro. Sebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, tiri kukurudzira mudzidzi wose kuti adzoke kuchikoro.”

VaNdoro vanoti kune vamwe vabereki vasiri kuendesa vana vavo kuchikoro vachiti vari kusangana nedambudziko rekushaya mari dzekuvabhadharira.

Hurumende inoti hapana mwana anofanirwa kusaririra kumashure panyaya yefundo kana nyika ichida kuzadzikisa zvinangwa zvayo zvekuve nevanhu vane upenyu hwepamusoro panosvika gore ra2030.

Gore rino, Hurumende ine chinangwa chekubhadharira vadzidzi vanotambura mari inosvika $1,5 miriyoni pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM).

Hurumende inobhadharira zvakare vana ivava mari dzekunyora bvunzo.

Sachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezvedzidzo, Mai Priscilla Misihairabwi-Mushonga, vanoti vanasikana vane chitsama vakaita mimba panguva yange yakavharwa zvikoro.

“Pane vanasikana vakaita pamuviri paive pakavharwa zvikoro uye vakawanda vavo havana ruzivo rwekuti mutemo unovatendera kuti varambe vachienderera mberi nefundo yavo. Kuvakomana, vakawanda vavo vave kuita zvechikorokoza, vakatanga kushanda uye vave nedambudziko rekufunga nezvekudzokera kuchikoro.

“Pamusoro pezvo, vamwe vabereki vari kutambura kuwana mari dzefizi zvichitevera kukanganiswa kwakaitwa raramo yavo nechirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Mai Misihairabwi-Mushonga vanoti vadzidzi vari kusangana nematambudziko vanokwanisa kuridza nhare dzepachena dzebazi redzidzo repuraimari nesekondari dzinoti 317 vobatsirwa.

Hurumende, yakabatana nevamwe vatsigiri, yakauya nehurongwa hwenhare yepachena iyi nechinangwa chekubatsira vadzidzi vari kusangana nematambudziko akasiyana.

Chamangwiza wesangano rinomirira maticha reZimbabwe Teachers Association (Zimta), Dr Sifiso Ndlovu, vanoti pakavhurwa zvikoro vamwe vana vakange vasina pfungwa dzekuti vaende kunodzidza.

“Vabereki vange vasina kugadzirira zvakakwana kuvhurwa kwezvikoro. Kune vamwe zvechokwadi vari kushaya mari yefizi yekubhadharira vana vavo. Saka nyaya yekushaikwa kwemari inogona yakakanganisa kudzokera kwevana kuchikoro.

“Pane zvakare chimwe chikwata chevana vange vava kufarira kusadzokera kuchikoro kusvika padanho rekuti vaitoona kuti kugara kwavaive vakaita kudzimba zvaive zvatoringana. Saka tinofanirwa kuvabatsira uye nekuvapa kurudziro yekuti kudzidza ikodzero yavo,” vanodaro Dr Ndlovu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>