Vana vanoroverwa kuona baba

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Vana vanoroverwa kuona baba

Kwayedza

MUKADZI wekunzi anorova vana pose pavanoenda kunoona baba vavo pamwe nekudya mari yavo yechikoro, akazodhonzerwa kudare neaimbove murume wake uyu aine chikumbiro chekuti mari yaanomupa semendenenzi idzikiswe.

Tinashe Chifamba akaendesa Everjoy Muteswa kuHarare Civil Court achiti mari yaanobvisa ideredzwe kubva pa$120 kusvika pa$60.

“Ishe wangu, mukadzi uyu ari kudya mari yose yandiri kumupa achiregedza kuendesa vana kuchikoro. Pari zvino ndiri mubishi kubhadhara zvikwereti kuchikoro zvemari yaakanga asingabhadhari asi mari ndaimupa yakakwana,” akadaro Chifamba. “Anoti ndikamupa mari oti chiona kuti wabhadharira vana mari yechikoro, yawandipa ndeyangu yekudya inini amai vacho. Zvinondishamisa nekuti pakapihwa mutongo nedare kuti ndibvise mendenenzi rakati pamari iyoyo ndipo pane yevana yechikoro.

“Dai zvaibvira mari yacho yadzikiswa kubva pa$120 kusvika pa$60 nekuti kubasa mari yataitambira yakadzikiswa uye ndiri kungorasira mari yangu musango ndichiti iriritire vana mukadzi uyu achidya zvake pachena,” akadaro Chifamba.

Akati mari yechikoro ndiye achabhadhara pamwe nekutenga mbatya dzevana dzekupfeka.

“Vana vacho havabvumirwi kuuya kuzondiona, vakangozivikanwa chete kuti vauya kuzondiona vanorohwa zvekuti pari zvino handichavaoni asi ndini ndinobhadhara mari yekuvachengeta. Handizivi kuti sei asingadi kuti vana vangu vandione ini ndirini baba vavo chaivo,” akadaro.

Muteswa akapikisana naChifamba achiti ari kubhadhara mari yechikoro uye akanga asingarovi vana. “Kwava kutaura kwemunhu anoda kuti dare rimunzwire tsitsi. Mari yechikoro ndaingobhadhara, iye ndiye anga ava kuita achiregedza kubhadhara mendenenzi ndikatombomuendesa kumapurisa. Zvekurova vana handina, anonyepera dare.

“Mari yechikoro aipota zvake achibhadhara asi dai dare rati arambe achindipa mari iyoyo nekuti ndinomuziva, haazobhadhariri vana sezvaari kutaura. Ndini ndinofanira kupihwa mari yose nekuti ndini ndinogara nevana,” akadaro Muteswa.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Chifamba abhadhare $60 yemendenenzi pamwe nemari yechikoro sechikumbiro chake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>