Vana vodzinga baba pamba, hanzi machembera

14 Feb, 2024 - 10:02 0 Views
Vana vodzinga baba pamba, hanzi machembera Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

VAMWE sekuru vakamhan’arira vanakomana vavo vaviri kudare reHarare Civil Court vachiti vari kuvadzinga pamba pavo vachinzi vaende kunogara kumusha nechikonzero chekuti vachembera.

VaAlstard J Siyamanyanga Snr vanoti Challenge Siyamanyanga naAlstard Simanyanga Jnr vari kuvashungurudza zvakanyanya.

“Ava vana vandakabereka, zvino vari kundidzinga pamba vachiti ndichienda kunogara kumusha. Vari kudzinga zvakare mukoma wavo vachiti ngaabve nekuti haana chaabatsira pakupamidzira mipanda yemba kwakaitwa nevaviri ava,” vanodaro VaJ Siyamanyanga Snr.

“Handisi kufara nazvo nekuti vari kudzinga mukoma wavo wemudumbu mumwe chete navo nekuti haana sendi raakaisa pakupamhidzira imba,” vanodaro.

Achipawo divi rake, Challenge anoti vakawirirana sevana kuti munhu wose asina kubatsira pakuwedzerwa kuvakwa kwemba anofanirwa kutsvaga kwekunogara izvo zvisina kufadza baba vavo.

“Imba iyi takaipamhidzira apo taishanda kuSouth Africa saka patakadzoka takawirirana nyaya iyoyi sevana asi hatina kushungurudza baba nekuti taironga tiri vana ivo vasipo,” anodaro.

Mutongi Tamara Chibindi vakapa VaJ Siyamanyanga Snr gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>