Vana vogadzira jamhu kuchikoro

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Vana vogadzira jamhu kuchikoro Vana vepaSt Angela Academy vachigadzira jamhu reMarmalade

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

CHIKORO cheSt Angela chiri kuBorrowdale,muHarare,chinoti chinoda kubura vana vonokwanisa kushanda mabasa emaoko uye kuzvitangira mabhizumusi avo.Mamwe mabhindauko ari kudzidziswa vana vepachikoro  ichi anosanganisira kugadzira jamhu (jam) kubva mumaremani, maranjisi neshuga.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Margaret Bhowa, vanoti kushanduka kuri kuita mamiriro nemafambiro eupfumi pasi rose — kusanganisira muZimbabwe — kunoda kuti veruzhinji vatange mabhizimusi akanangana nekupedza matambudziko ari kusangana nevanhu muzvikamu zveupfumi zvakasiyana-siyana.

“Sechikoro, tine shuviro netarisiro yekuti indaisitiri yemuZimbabwe isimuke uye kuti ifambe zvakanaka kuburikidza nenyanzvi kubva muzvikoro.

“Isu chinangwa chedu kudzidzisa vana kuti vakwanise kuzviitira mabasa emaoko vachizozvitangira makambani avo zvinova zvinosimudzira indasitiri munyika,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kudzidzisa kwatiri kuita vana kugadzira jam ndeimwe yenzira yemabasa emaoko anounza mari uye tiri kutarisira kuti huwandu hwejamhu ratiri kugadzira huchakura.

“Zvimwe zvatiri kutarisira kuita zvinosanganisira kugadzira mishonga inoshandiswa pakuwacha hembe, sipo dzekusukisa ndiro nezvimwe.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>