Vanhukadzi vosimudzirwa nemabhindauko

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Vanhukadzi vosimudzirwa nemabhindauko Madzimai echidiki achidzidziswa mafushirwo ekabheji

Kwayedza

Daphne Machiri
SANGANO rakazvimirira reShamwari Yemwanasikana iro rinorwira kodzero dzemadzimai pamwe nevanasikana rosimudzira raramo yavo kuburikidza nemabhindauko anosanganisira kuvadzidzisa kufusha michero nemiriwo iyo vanozotengesa vachizviwanira mari.

Chirongwa ichi chakapururwa zviri pamutemo kunzvimbo yeSeke munguva pfupi yadarika uye chakavambwa nebazi revanhukadzi, nharaunda nekusimudzirwa kwemabhizinesi ari pakati nepakati rakabatana nesangano iri.

Vanhukadzi ava, avo vakawanda vacho vanove vechidiki, vari kufusha michero inosanganisira mabanana, maranjisi nemakorotsi uye nemiriwo yemhando yakasiyana-siyana yakadai semakabheji, rape necovo.

Muhurukuro naproject officer kubazi revanhukadzi, nharaunda nekusimudzirwa kwemabhizinesi ari pakati nepakati – VaGodwin Gavaza – vanoti zvakaosha kuti madzimai echidiki varege kugarira maoko asi kuti vazvishandire vawane chouviri mukurarama zvinova zvinoderedza nyaya dzemhirizhonga nekumbunyikidzwa kwekodzero dzavo.

“Isu sebazi tiripo pakubatsira vanhukadzi tichishanda pamwe nemasangano anorwira kodzero dzevanhukadzi mukusimudzira raramo yemadzimai vezera rechidiki vakasira chikoro panzira nekuda kwekusangana nematambudziko ekupiwa pamuviri vari pachikoro. Vazhinji vavo havana vanovabatsira kuchengeta vana ava saka ndizvo zvakaita kuti titange bhindauko iri kuti vawane pekutangira,” vanodaro VaGavaza.

Vanoti vane tarisiro yekuti chirongwa ichi chipambire kumapurovhinzi ese ari munyika.
Prudence Nyamayedenga anova community development officer kusangano reShamwari Yemwanasikana anoti donzvo rechirongwa ichi nderekusimudzira raramo yemadzimai echidiki kuburikidza nekuvadzidzisa nzira dzakanaka dzekuwana nadzo mari vasingaite mabasa akadai sekutengesa miviri yavo kana dzimwe nzira dzisina kururama.

“Takavamba bhindauko iri taona kuti mamwe madzimai echidiki vange vasiri kuenda kumabasa zvinova zvaivapa matambudziko mukuwana mari yekuchengeta vana vavo sezvo vamwe vanababa vevana ava vasipo. Madzimai echidiki aya vakasiira chikoro panzira nekuda kwekupiwa pamuviri vachiri pachikoro. Mabhindauko aya anoita kuti vakwanise kuriritira vana vavo uye zvakare kune vanoda kudzokera kuchikoro, vanokwanisa kuzvibhadharira mari yechikoro sezvo dzidzo iri kodzero yemunhu wose pasina rusarura,” anodaro Nyamayedenga.

Anoenderera mberi achiti, “Chirongwa ichi chiri kubatsira zvakare veruzhinji munharaunda yeSeke mukurwisa zvakadai sekupiwa pamuviri kwevana nekuroodzwa kwavo.

“Pamusoro pezvo, chiri kuita kuti kodzero dzavo dzichengetedzwe uye kuti vanasikana vawane mukana wekuenda kuchikoro pasina kusiira chikoro panzira.”

Nyamayedenga anoti michero nemiriwo iri kufushwa iyi zviri kutengeswa munzvimbo dzinosanganisira Ziko Shopping Center, kuChitungwiza uye kune vamwe vari kuhodha vachinotengesa kunzvimbo dzakasiyana-siyana.

“Chirongwa ichi chiri kubatsira zvakare takatarisana nezvekudya zvinovaka muviri uye miriwo yemifushwa inodyiwa nguva nenguva zvisina kuti mwaka wechirimo kana kuti wezhizha,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links