Vanyori 32 vabura bhuku

26 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Vanyori 32 vabura bhuku Michelle Nakai Maruta

Kwayedza

Abel Ndooka

VANYORI 32 vabatana kunyora bhuku rinonzi “Hausundi” iro rizere nenyaya dzinotaura zveupenyu hwavo kusanganisira kwavakabva nepavasvika pari zvino.

Bhuku iri rakanyorwa nevanyori vanosanganisira Michelle Nakai Maruta, Prosper Njeke, Shingirai Manyengavana, Dickson Muringaniza naBlessed Munashe Chitombo uye ndokupepetwa nenyanzvi dzekunyora mabhuku dzinoti Njeke, Oscar Gwiriri naTinashe Muchuri.

Muhurukuro naMaruta, anoti sananyanduri, vakabatana mukunyora bhuku iri iro rizere nenyaya dzinotsanangura kwavakabva.

Anoti kubatana kwavakaita sananyanduri, ndipo pakazobva zita rekuti Hausundi iro rinove mucherechedzo wekuti kubatana kwakakosha mukufambisa basa.

“Sevanyori, takabatana kunyora bhuku redu rinonzi Hausundi iro rizere nenhau dzinotaura upenyu hwedu nezvatinosangana nazvo sevanyori. Munyori mumwe nemumwe ane nyaya yake yaakanyora irimo mubhuku iri idzo tinoshuvira kuti dzichadzidzisa ruzhinji.

“Kuzobuda kwakaita bhuku redu iri kunorakidza kubatana kwedu ndiko kusaka takazoritumidza zita rekuti Hausundi nekuti munhu ukada kuita chinhu oga, zvinogona kusakufambira,” anodaro Maruta.
Bhuku iri ndiro rekutanga kudhindwa rine nyaya dzakanyorwa naMaruta uyo anoti mabhuku mazhinji aainyora aibuda ari pakombiyuta (soft copy) ayo aitumidzira vanhu padandemutande kana paWhatsApp.

“Iri ndiro bhuku rine nyaya dzanguwo rekutanga kudhindwa. Saka zvinorakidza kuti ndiri kukura munyaya dzekunyora mabhuku uye ndinotarisira kuti mune remangwana ndicharamba ndichinyora mamwe mabhuku anodzidzisa,” anodaro.

Njeke anotiwo kubatana kwakaita vananyanduri pabhuku iri kunofadza zvikuru uye kunoratidza kuti chikamu chavo chiri kusimukira.

“Ndichitarisa vananyanduri vane nyaya dzavo dziri mubhuku iri, ndevechidiki saka zvinofadza chaizvo kuona vechidiki vachitora chikamu ichi chekunyora mabhuku ane nyaya dzinodzidzisa uye dzinovaka,” anodaro Njeke.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>