Vari kunetserana sitendi

03 Aug, 2023 - 20:08 0 Views
Vari kunetserana sitendi Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUMWE mudzimai anoti akashamiswa kuona varume vaviri vemumhuri imwe chete vemunzvimbo yaanogara vachipaza ruzhowa rwechivanze chake ndokutanga kuvaka imba yavo pamusha apa.

Agnes Mahombera audza dare reHarare Civil Court kuti Obvious Chawatama naEmmanuel Chawatama vakauya vakabvisa ruzhowa rwepamba pake ndokutanga kuvaka imba yavo pasina mvumo yake.

Anoti akavaendesa kwasabhuku wemunzvimbo yavo vakabvuma mhosva yavo ndokumbomira kuvaka, asi vakazotanga zvekare.

“Pasina nguva tabva kudare rasabhuku, vakaisa munhu pamusha pangu ndokutanga kupedzisa imba yavakange varambidzwa nasabhuku kuti vasavake. Dambudziko ravepo nderekuti ndikavabvunza vanondituka nemashoko anonyadzisira, ndinokumbirawo vasandituke nekusvika pamusha pangu,” anodaro Mahombera.

Obvious naEmmanuel havana kuenda kudare.

Mutongi Sharon Mashavira vapa Mahombera gwaro redziviriro ndokumukurudzira kuti aende zvakare kumatare anoona nezvekubviswa kwevanhu panzvimbo dzavasingafanire kunge vari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>