Varimi nevemakambani vakapangana mazano

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Varimi nevemakambani  vakapangana mazano

Kwayedza

VARIMI nemamwe masangano anoona nezvekudya pamwe nemakambani svondo rapera vakawana mukana yekupangana mazano ekuvandudza kuwaniswa kwekudya kunovaka muviri munyika panguva iyo Zimbabwe yakatenga matani echigabe 1 800 kubva kuZambia nedzonzvo rekututsira matura ayo.

Vachitaura pamusangano weZimbabwe Food Conference and Expo, gurukota rezvekurima, michina nekusimudzirwa kwemadiridziro Cde Joseph Made vakati Zimbabwe yakawana matani echibage aya kubva kuZambia senzira yekuvandudza kuwaniswa kwechikafu.

“Mamwe matani 1 300 achitori munzira kuti ange achipinda munyika muno nezvitima. Matani 1 8000 akatoendeswa kudura guru reBulawayo Grain Marketing. Goho redu rechibage riri kuramba richikanganiswa nekusanduka kwemamiriro ekunze uye kunonoka kuwana zvekushandisa kwevarimi,” vakadaro.

Cde Made vanoti parizvino dura reGMB rine chibage chinosvika matani 20 000.

Pasvondo varimi vanonzi vari kuendesa matani ari pakati pe3 000 ne4 000 kuGMB. Hurumende nemamwe masangano akazvimiririra vari kutenga matani 700 000 echibage kubva kune dzimwe nyika.

VaJacob Mwale avo vanove mukuru weZambia Grain Traders Association vanoti Zimbabwe iri kusangana nematambudziko pakutenga chibage kubva kune dzimwe nyika.

“Takakwanisa kutengesera Zimbabwe matani 40 000 echibage pamwedzi nekuda kwezvigozhero zviri kusanganikwa nazvo pamiganhu yenyika maringe nekubuda kwezvinhu zvinove zviri kutora nguva refu. Kudai vashandi vepamiganhu yenyika vaishanda kwemaawa 24 pamwe zvaideredza matambudziko aya,” vakadaro.

Sachigaro weGrain Millers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Musarara vakapa chichemo kuHurumende kuti kudai yabvumira kutengwa kwechibage chemaGMO kubva kuSouth Africa kuitira kuti nyika inge ichizadzikisa mukaha uripo wematani 300 000.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>