‘Varimi ngwarirai African armyworm’

24 Jan, 2024 - 13:01 0 Views
‘Varimi ngwarirai African armyworm’ African armyworm

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE inoyambira varimi kuti vangwarire makonye emhando yeAfrican armyworm ayo ari kuparadza zvirimwa, zvikuru sei chibage, mukati menguva diki-diki.

Vachitaura kuvatori venhau pamusangano wavakaita nemapoka akasiyana ari muchikamu chezvekurima,  VaShingirayi Nyamutukwa avo vakafanobata chigaro chadirector weMigratory Pests Control Department vanoti dambudziko remakonye riri kukanganisa chibage apo ari kudya mashizha zvinova zvinogona kuderedza goho.

“Mhando yemakonye eAfrican armyworm iyi yakaonekwa kumatunhu anosanganisira Midlands neMashonaland Central uye chikamu cheDepartment of Migratory Pests and Biosecurity Control chine mishonga yakakwana yekurwisa dambudziko iri. Mishonga iyi iri kugoverwa pachena,” vanodaro.

VaNyamutukwa vanoti varimi vanofanira kupota vachipinda muminda yavo vachicherechedza kuti zvirimwa hazvisi kudyiwa nemakonye aya here kuitira kuti vatore matanho nenguva.

“Izvi zvinofanira kuitwa zuva nezuva kuitira kuti minda ikwanise kufiritwa nenguva isati yanyanya kuparadzwa. Kana murimi akasacherechedza makonye aya, anogona kuparadza zvirimwa nechikamu che100 percent kunova kurasikirwa kukuru,” vanodaro.

VaVictor Mariranyika vanova mutungamiriri wesangano reTobacco Farmers Union Trust vanoti varimi vanoda kuwaniswa mashoko echenjedzo maringe nedambudziko iri.

“Varimi vanofanirwa kuwaniswa mashoko nenguva maringe nedambudziko iri vazive kuti kana ravapo vanorikunda sei. Madhumeni anofanira kutomhanya-mhanya kupinda muvarimi vachibatsirana navo mukuona nzvimbo dziri kunyanya kutambudzwa nedambudziko iri nekuti kana akaregererwa makonye aya anoramba achibereka zvekuti varimi vanogona kuzokandiswa mapfumo pasi nawo. Tinotenda Hurumende nekuwanisa varimi mishonga yekufirita makonye aya pachena,” vanodaro.

Dambudziko reAfrican armyworm rinogaroshungurudza Zimbabwe neZambia, Uganda neTanzania apo anotakurwa nemhepo huru achienda kune dzimwe nyika.

Makonye aya anoparadza munda mukati menguva diki-diki apo anodya mashizha ezvirimwa.

Share This:

Sponsored Links