Varimi vatsva vefodya vowanda

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Varimi vatsva vefodya vowanda

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vatsva vanosvika 16 400 vakanyoresa kurima fodya mwaka uno wa2014/15 zvinorakidza kuti vakawanda vave kufarira kurima fodya kudarika zvimwe zvirimwa. Chamangwiza wesangano reTobacco Industry and Marketing Board (TIMB), Dr Andrew Matibiri, vanoti varimi vekumaruwa ndivo vakawanda zvikuru avo vanokwana 10 049.

Vamwe varimi vakanyoresawo kunoti vekuma A1 vanosvika 5 283, A2 535 nevarimi vekumapurazi madiki 533.
Dunhu reMashonaland West ndiro rinonzi rine varimi vakawanda zvikuru vatsva vakanyoresa avo vanosvika 5 798 kuchizotiwo kuMatebeleland ndiko kune vashoma vakanyoresa vanokwana vanomwe chete.

Fodya yakatengeswa kunze kwenyika mwaka wadarika yaikosha US$29 296 726 anova makgs 8 059 611. Izvi zvinotaridza kudzikira kwefodya yakatengeswa kunze gore rapera kana zvichienzaniswa nemwaka wa2013 apo kwakatengeswa yaikosha US$51 708 889 ari makgs 14 381 890.

Mumwaka wadarika, fodya yakawanda iyi yakatengeswa kunyika yeZambia uko kwakaendeswa makgs 6 557 400 aikosha US$21 496 500.
Zvakadai, varimi vefodya vakawanda nevezvimwewo zvirimwa vane minda ine ivhu risina kusimba vari kuchema-chema zvikuru sezvo zvirimwa zvavo zvakanyukurwa nemvura yakawandisa iyo yanga ichinaya masvondo adarika.

Ongororo yakaitwa neKwayedza kumatunhu akasiyana inotaridza kuti zvirimwa zvizhinji zvemuminda ine ivhu risina kusimba, zvikuru mumapani, zvakanyukurwa.

VaShingi Chikowore (34) vekwaChivero kuMhondoro vanoti yavo fodya yakanyukurwa nemvura zvekuti goho ravo richange rakadzikira zvikuru.

“Ini mahekita angu maviri efodya yandaiva ndarima akanyukurwa nekuwanda kwemvura kureva kuti ndave kutoedza kurima zvimwe zvirimwa zvakaita sebhinzi zvinokurumidza kusvika,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>