Varimi vochema nekupwa kwedhamu

11 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Varimi vochema nekupwa kwedhamu VaDavid Bungu vachitaridza dhamu rakapwa mvura

Kwayedza

VARIMI vekwaSabhuku Muroyi kwaShe Nhema, kuZaka vochema-chema zvichitevera kupwa kwakaita dhamu reChinyika iro raivawanisa mvura yemadiridziro pasi pechirogwa cheChinyika Irrigation Scheme.

Kwayedza nguva yadarika yakashanyira dunhu iri ndokuita hurukuro nevamwe varimi vari muchirongwa ichi.

VaMartin Machaya (66) vanove mukuru anoona nezvezvirimwa mubhindauko iri (production manager) vanoti kupwa kwedhamu iri kwadzosera mabasa ekurima kumashure zvikuru.

“Dhamu iri rakavakwa mugore ra2007 kuburikidza nemushandirapamwe wakaitwa nevarimi. Rinowana mvura kubva kurwizi rwaZingoma asi gore rino hameno kuti mashura here nekuti ndiko kutanga kwaro kupwa zvinova zviri kukanganisa nyaya dzekurima.

“Varimi vemuno vaisibura goho rinotyisa vachiwana mari yavo apo vairima hanyanisi, makarotsi, chibage nemiriwo yakasiyana pasina zororo vachikwanisa kuendesa vana kuchikoro,” vakadaro VaMachaya.

Mumwe murimi, VaDavid Bungu, vanoti zvinhu zvakavaomera zvikuru nekuti vakange vachirarama nekurima.

“Tiri panguva yakaoma nekuti kurima ndiko kwakange kuri raramo yedu saka tangoita sevanhu vatarisana nerufu nekuti hakuna kumwe kwatichawana mari kana kudya.

“Hove chaidzo vanhu vave kungouya vachinhonga nemawoko kureva kuti bhizimusi rehove iro takange tave kutanga pano ratoparara,” vakadaro.

Vanoti Chinyika Irrigation Scheme ine mahekita 4 nechidumbu emunda nokudaro vaibura goho guru raivararamisa kwemakore maviri kana kudarika.

“Mvura ndiwo musimboti wekurima asi ikashaikwa hapana chinofamba. Nekuda kwemadiridziro taikwanisa kurima zvirimwa kwegore rose tichiti tikangokohwa todyara zvimwe. Kudai Hurumende kana vamwe vatsigiri vatibatsirawo nezvibhorani kuti tiwane mvura yekunwa neyekudiridzisa,” vakadaro.

VaRupi Mutambwi (51) vanotiwo varimi vave kufamba dzendo ndefu vachinotsvaka mvura kunzizi senzira yekuti vagone kudiridzira zvirimwa zvavo.

“Tinoda zvibhorani kana zvitatu muChinyika Irrigation Scheme kuti tibudirire nekuti parizvino mvura yekudiridza neyekunwa iri kubva kure kwazvo saka zvirimwa zviri kuramba zviine nyota nekuti mvura yacho ishoma. Tave kutochema kuti kudai mvura yemudenga yanaya pamwe tingapone,” vakadaro.

Mbuya Margaret Muganyi (75) vanoti zvinhu zvinorwadza nekuti vave kutokwira mabhazi kuenda kunotenga muriwo zvinova zvinovadhurira.

“Vanhu vaibva kuHarare, Bulawayo, Mutare neMasvingo vachizotenga muriwo yedu kuno apo zvinhu zvakange zvichakanaka. Tinovimba kuti inyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze nekuti tave nemakore gumi tichishandisa dhamu iri risina kuoma. Zvakangotanga gore rino saka chishamiso chikuru,” vakadaro Mbuya Muganyi.

Sachigaro weChinyika Irrigation Scheme, VaKillian Mujakachi (63) vanoti kunze kwekushaikwa kwemvura, nguruve dzemusango dziri kuvaparadzirawo zvirimwa zvavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>