Varimi vonzi vachenjerere tumbuyu

09 Feb, 2022 - 17:02 0 Views
Varimi vonzi vachenjerere tumbuyu VaPaul Zacharia

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinokurudzira varimi kuti vangawirire tumbuyu tunogona kudya zvirimwa zvavo zvichitevera kunaya kuri kuita mvura yakawanda kunzvimbo zhinji dzenyika.

VaPaul Zakariya vanova munyori mukuru weZFU vanoti kunaya kuri kuita mvura kunokonzera kuwanda kwetumbuyu nemakonye anodya midzi nemashizha ezvirimwa.

“Mvura iri kunaya zvakanakisa kureva kuti tine zvinorarama mukati memvura iyi zvakaita semakonye aye atinoti maarm worm anowanda panguva ino. Saka tinokurudzira varimi kuti vapote vachipinda mukati meminda yavo vachitarisa uye vakange vaona tumbuyu utwu votsvaga nyanzvi, vofirita nemishonga yekutuuraya,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti panguva ino pane tumbuyu tune chitsama, kusanganisira makonye, tunoda kudya chibage.

“Pamusoro pezvo, tinokurudzira varimi kuti vasakure minda yavo yogara yakachena kana kufirita nemishonga yesora. Pakushandisa mishonga yekuuraya sora, tinokurudzira kuti vashande nenyanzvi nekuti vanoguma vamwaya mimwe mishonga inouraya chibage chavo kana zvimwe zvirimwa,” vanodaro VaZakariya.

“Pamishonga yesora, tinonzwa kuti vamwewo varimi vava kutengeserwa isingashande yechitsotsi saka tinoti shandai nenyanzvi nevarimisi motenga mishonga iyi kuzvitoro zvinozivikanwa.”

Vanoti zvakakoshawo kuti varimi vagare vachiterera zvinotaurwa nebazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department (MSD) sezvo zvichibatsira kuti varonge mabasa avo zvine hungwaru.

“Tine mimwe minda yava kuwandirwa nemvura zvinoita kuti fetiraiza yedu igezeke muzvirimwa. Tinokurudzira varimi kuti vagadzire migero inofambisa mvura muminda kana kuti makandiwa kuti mvura isajenga.

“Panguva ino, tinokurudzirawo kuti varimi varambe vachiisa fetiraiza muzvirimwa zvavo kuitira kuti kana chiri chibage chisapedzisire chatsvuka nekuwandirwa nemvura,” vanodaro VaZakariya.

Varimi vachiri kudyara, vanokurudzirwawo kudyara mbesa dzinokurumidza kusvika nedonzvo rekuti vabate mwaka.

“Izvozvi tiri kukurudzira varimi kudyara mbesa diki dzinokurumidza kusvika, chingava chibage kana zvimwewo. Mbambaira imbesa yakanaka kurima kana kuchinaya mvura kudai. Tine maringazuva anotiitira zvakanaka mumwaka wakaita seuno uyewo neshuga bhinzi chirimwa chinoita zvakanaka zvikuru mumwaka wakadai,” vanodaro VaZakariya.

Share This:

Sponsored Links