Varimi voyaura nechikwereti

09 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Varimi voyaura nechikwereti

Kwayedza

MABHINDAUKO ekurima eNgezi-Mamina Irrigation Scheme kuMhondoro odzokera kumashure zvichitevera chikwereti chemagetsi icho chave kudarika US$214 000 iyo varimi vari kukundikana kubhadhara.

Varimi ava vakapira chichemo chavo kuHurumende kuti vabatsirwe kubhadhara chikwereti cheZesa ichi pamwe nekutsvagirwa nzira dzekuti vakwanise kudhonza mvura kubva mudhamu reMamina ichienda kumapindu avo.

Vachitaura pamusangano wekumema mabhindauko aya wakaitwa nguva yadarika, mutevedzeri wegurukota rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro vanoona nezvezvirimwa, Cde Davis Marapira, vakakurudzira varimi ava kuti vange vachirima zvine pundutso.

“Kurima kwamuri kuita pano kunoratidza kuti muri kurasikirwa nepurofiti zvakanyanya nekuti ukaona zvinhu zvinoshandiswa nemurimi zvave kuwanda kudarika zvaanokohwa rinetenge rave dambudziko. Chikwereti chamunacho kuZesa neZinwa chinotyisa zvikuru uye mave kutadza kuchibhadhara. Kurima kwemandiriri kunofanira kunge kuchibura matani echibage 6 pahekita rimwe chete kana kudarika nekuti mukatipa nhoroondo yematakadya kare haivaraidzi mwana,” vakadaro Cde Marapira.

Vanoti vachaedza napose pavanogona kubatsira varimi ava kuitira kuti vafambire mberi nekurima.

Mumiriri wedunhu reMashonaland West mudare reSenate, Senator Mike Musaka, vakati vakataura neveZesa kuti pave nekunzwanana nevarimi.

“Ndakakwidza chichemo chekudzimwa kwemagetsi apo zvirimwa zvevarimi zvave pedyo nekukohwewa pamwe nekuti varimi vange vachibvisa miripo yeZesa pashoma-pashoma panguva iyo magetsi asingadzimwi nekuti pagoho ravo ndipowo panobva mari iyi. Mumakore apfuura, varimi vairasikirwa negoho nekuda kwekuti veZesa vaivadzimira magetsi apo zvirimwa zvavo zvainge zvasvika panguva yazvinenge zvave kuda mvura yakawanda. Takaronga kuti pamwedzi murimi wega-wega ange achibvisa US$40 kusvika mari iyoyo yakwana apowo isu tiri kutsvaka imwe,” vakadaro.

Vachitaura pachiitiko ichi, mumiriri weMhondoro-Ngezi mudare reHouse of Assembly, Cde Mike Gava, vakati varimi vanofanira kutsigirwa zvizere kuitira kuti chirongwa chekuvandudza hupfumi hwenyika cheZimAsset chifambire mberi.

Munyori wechirongwa cheNgezi- Mamina Irrigation Scheme VaBernard Gara vakatiwo vari kusangana nematambudziko ekushaya zvekushandisa mukurima.

“Tairima zvine mbiri zvekuti makambani akadai sanaNational Foods neBlue Ribbon vaitouya vachitenga gorosi pano. Chero vamwe vanhu vaibva kune mamwe matunhu vaitosunza muno saka hatingati tawira pasi zvachose nokuti tikawaniswa rutsigiro tinokwanisa kuzadza matura,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>