Varume vhenekwai, musangopomera vakadzi

09 May, 2022 - 13:05 0 Views
Varume vhenekwai, musangopomera vakadzi VaGodknows Mabuwa

Kwayedza

Abel Ndooka

VANHURUME vari muwanano vanokurudzirwa kuenda kunoongororwa kuti vanokwanisa kuita mbereko here kana kuti kwete pane kumhanyira kupomera madzimai nguva dzose vachiti ndivo vasingabereke.

Kurudziro iyi yakaitwa nachamangwiza wesangano reZimbabwe Fertility Promotion Centre, VaGodknows Mabuwa pamusangano wakaitirwa muHarare uyo wairongwa nePadare/Enkudleni Men’s Forum on Gender svondo radarika.

VaMabuwa, avo vakapupura kuti vakambogara makore 13 nemudzimai wavo asi vachishaya mbereko kusvika zvazoonekwa kuti ndivo vaive nedambudziko, vanoti nyaya dzekushaya mbereko mudzimba zhinji dziri kukonzera mhirizhonga pamwe nekupomerana pakati pevarume nemadzimai izvo zviri kuzokonzera kuti mhuri dziparare.

“Nyaya yekushaya mbereko iri kukonzera mhirizhonga zvakanyanya mudzimba zhinji nekuti pane kakukandirana nyoka mhenyu pakati pemurume nemukadzi kuti ndiwe usiri kubara.

“Kazhinji kacho, madzimai ndiwo anenge achingopihwa mhosva, asi zvinofanirwa kutariswa kumativi ose kuti asina mbereko ndiyani. Ini ndakasangana nedambudziko irori, ndaingoti mudzimai wangu ndiye asina mbereko.

“Asi zvakazoonekwa kuti dambudziko raive pandiri ndikazoenda kumachiremba ndikabatsirwa.

“Takazoita mwana padarika makore 13 tichagara tose zvichiramba apo dambudziko rakazoonekwa kuti raive riri pandiri. Saka ngatitsvagei rubatsiro kana mbereko yashaikwa toongororwa tose kuti zviri kurambira papi pane kumhanya kuita  mhirizhonga,” vanodaro VaMabuwa.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaPaul Vingi vanova programs manager kuPadare vachiti zvakakosha kuti murume nemudzimai vanenge vasangana nedambudziko rekushaya mbereko vanovhenekwa vose nemachiremba vanove vanamazvikokota.

Paul Vingi

“Kushaya mbereko kunowanikwa, saka kana zvaiitika, zvakakosha kuti vanhu vatsvage rubatsiro nekuchimbidza pane kuita mhirizhonga nekuti mhirizhonga haiunze mbereko. Kune machiremba variko vanobatsira, endai munobatsirwa nguva ichiripo, musaite mhirizhonga,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links