Vashinha pamusoro peguva

13 Aug, 2022 - 09:08 0 Views
Vashinha pamusoro peguva Insp Nobert Muzondo

Kwayedza

Ray Bande

MUCHIITIKO chinoratidza kushaya hunhu nenyadzi zvachose, murume wekwaMutare nemumwe mukadzi anoita zvekutengesa muviri vanonzi akashinha vari pamusoro peguva masikati machena paivigwa mumwe murume kuDangamvura apo vanhu vaivepo vaivapembedza vachivakandira mari masvondo maviri adarika.

Izvi zvakaitika mushure mekuvigwa kwemushakabvu, Maroni Mazvita Karinda, uyo aiita bhizimisi rekuve nenzvimbo dzinosasana vanoita zvekutengesa muviri.

Chiitiko ichi chakatekeshera zvakanyanya pamadandemutande eSocial Media mushure mekunge vamwe vevanhu vaivepo vatora mavhidhiyo.

Mavhidhiyo aya anotanga apo mukadzi uyu, uyo anonyanyozivikanwa nekutengesa muviri anonzi Tatenda kana kuti Mai Keisha, achikurura hembe achibvunza kana paine aida kushinha naye.

VaGeorge Kandiyero

Zvose izvi zviitika pamberi pevanhu vaichema apo vainga vachangopedza kuradzika mushakabvu uyo aive nemakore 45 ekuberekwa uye aive muzvinabhizimisi muSakubva, kwakare kwaMutare.

Mumwe murume anogara achishanyira nzvimbo iri pedyo neSakubva Roundabout, uyo aive pakati pechaunga ichi, akatambira nemufaro mukuru zvainge zvataurwa naTatenda ndokuti aida kushereketa naye vari pamusoro peguva rainge richangobva kuvigwa Karinda, uye hama neshamwari dzemufi dzichiona.
Mumavhidhiyo ari kutendera, vanhu vanonzwika vodeedzera kuti, “bvisa, bvisa, bvisa” Tatenda ndokubva abvisa hembe dzake dzose.

Ukuwo murume wekuzvipira kushereketa naTatenda anokurudzirwa nevanhu vaivepo kuti abvisewo mbatya dzake pajekerere.
Vamwe vanhu vakatanga kukandira Tatenda nemurume uyu mari yemaUS$ vachivakuza kuti vaenderere mberi nekubvisa hembe pamwe nekushinha variu pamusoro peguva uye vakaunganirwa neruzhinji.

Zvisinei, mushure mekunge vaviri ava vakurura hembe dzose uye vasara vari musvo, Tatenda anobva ati vanofanirwa kushandisa dziviriro yemakondomu ayo akamboshaikwa kwechinguva chiduku asi ndokuzowanikwa.
Vaviri ava vanozoshinha apo veruzhinji vainge vakatarisa.

Munin’ina wemufi, Fungai Mazvita Karinda, anoti vemhuri yavo havasi kufara nezvakaitika pakuvigwa kwaMaroni.
“Hatina mufaro zvachose nezvakaitika pakuvigwa kwemukoma wedu. Vanhu ava vakatanga hunhu hwavo husina kunaka isu tichiri kumba.

“Semhuri, takaedza nepose patinogona napo kuvadzivisa, asi vakaramba kunzwa zvataitaura. Takavaudza kuti kunyangwe zvazvo vaive shamwari dzake, ngavatiremekedze asi havana kumborega,” anodaro.
Fungai akati nhubu idzi dzinofanirwa kusungwa sezvo vakapara mhosva.
“Tinovimba uye tinonamata kuti vanhu ava vasungwe nekuti vakakanganisa kuvigwa kwakanaka kwemukoma wangu vachiratidzira kusanyara kwavo.

‘‘Kusvika pari zvino hatisati tanzwisisa zvatakaona pakuvigwa kwemukoma wedu,” anodaro.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura naTatenda pamwe nemurume waakaita naye hunzenza sezvo mukadzi uyu achinzi akabva abuda mukati meguta reMutare mushure mechiitiko ichi uyewo murume uyu haazi kuzivikanwa kwaari.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanoti nhubu mbiri idzi dzinofanirwa kusungwa.

“Tinokutendai nekuunza nyaya iyi kwatiri. Tichaferefeta kudzimara vakapara mhosva vabatwa uye varangwa nemutemo. Avo vakaita chiitiko ichi, vaitora mavhidhiyo uye vakabhadhara vanhu vaviri ava kuti vashinhe pajekere vane mhosva zvakare. Iyi inhau yakakomba yatinofanira kutorera matanho akakodzera.

“Chokwadi hatingakurudzire maitiro asina kunaka akadaro. Vanhu havakwanise kushinha pazere vanhu, kunyanya pamusoro peguva pakuvigwa kwemunhu, vanhu vachifara kunge vari kuona mutambo wenhabvu. Hazvitenderwe,” vanodaro Inspector Muzondo.

Mashoko avo anotsinhirwa naPastor Davies English vachiti mazuva ekupedzisira ekuguma kwepasi rose aswedera.
“Zvinoshamisa zvikuru. Ndine fungidziro huru yekuti izvi zvine chekuita nemabasa eSatanism nehurombwa. Zviri pachena, nguva yekupedzisira yave patiri zvechokwadi nekuti Jesu akatiyambira kuti mumazuva ekupedzisira, kuipa kuchawanda (Mateo 24:12).

“Zvinhu zverudzi urwu hazvisati zvamboitwa paruzhinji, ndoda panguva dzemariro, asi kana vanhu vasinganyare kusvika pakadai zvinongoratidza kuti zvinhu zvaita manyama amire nerongo.
“Saka kunofanirwa kuve nekurudziro yekuti munhu wese atendeuke ape upenyu hwake kuna Jesu Kristu agadzirire upenyu husingaperi,” vanodaro Pastor English.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Traditional Healers’ Association, VaGeorge Kandiero, vanoti: “Uku kusazvibata chaiko, sezvinoitwa nevamwe vanhu vanoita zvechihwindi, vanotengesa muviri nedzimwe nhubu.
“Panguva imwe chete, iyi inogona kunge iri tsika yehurombwa inoitwa nevamwe kumakuva kana pakuvigwa kwemunhu. Dzimwe nguva vamwe vanhu vanoita zvinhu zvakadai mushure mekunge varayirwa nemushakabvu kuti vazozviite parufu rwake.

“Zvinogonawo kunge zvichikonzerwa nekutorwa kuri kuitwa nevamwe tsika dzekunze uye dzinoshamisa.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>