Vasungwa vaine matani 7.8 embeu yemanyepo

19 Oct, 2022 - 13:10 0 Views
Vasungwa vaine matani 7.8 embeu yemanyepo Asst Comm Nyathi (kuruboshwe) naVaTerrence Chimanya

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

KAMBANI huru pakuuchika mbeu munyika muno yeSeed Co yabatana nemapurisa eZimbabwe Republic Police mukurwisa nyaya dzevanhu vari kutengesa mbeu yemanyepo kumisika nedzimwe nzvimbo.

Managing director wekambani iyi, VaTerrence Chimanya vanoti mbeu yemanyepo inokanganisa upfumi hwenyika sezvo ichiita kuti goho riderere uye zvinodzorera kumashure donzvo rekupedza nzara.

Vanoti pari zvino kune vakawanda vari kubatwa vachitengesa mbeu yemanyepo, kunyanya panguva ino varimi vave kugadzirira mwaka wekurima wa2022/23.

“Kambani yedu inoita tsvakurudzo yakasimba panyaya yekuuchika mbeu uye dzakaongororwa nanamazvikokota kuti dzinobuda zvakanaka nekuburitsa goho rakanaka. Mbeu dzedu dzechibage dzakauchikwa zvekuti murimi anokwanisa kuwana kubva pamatani 8 kusvika pa16 pahekita imwe chete.

“Zvisinei, kana murimi akatenga mbeu yemanyepo isina kuuchikwa, anowana goho diki zvinoita kuti apedzisire avenga mbeu inobva kwatiri nekuti vazhinji vacho vari kugadzira mbeu idzi vachiisa mazita edu,” vanodaro VaChimanya.

Vanokurudzira varimi kuti vatenge mbeu muzvitoro zvinozivikanwa uye zviri pamutemo.

Vanoti kambani yavo iri kushanda nesimba kuona kuti varimi vatengeserwa mbeu yemandorokwati.

“Kambani yedu iri kushanda neZRP mukurwisa makoronyera ari kutengesera varimi mbeu yemanyepo. Pakushanda pamwe chete kwedu, tiri kukumbirisawo zvakare kuti vemutemo vadzike mitongo yakasimba inotemerwa vanobatwa vachitengesa kana kugadzira mbeu yemanyepo vachishandisa zita redu,” vanodaro VaChimanya.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vose vachabatwa vachitengesa mbeu yemanyepo vacharangwa zvakasimba nemutemo.

“Mapurisa eZRP nekambani yeSeed Co vaona kuti huwandu hwevanhu vari kutengesa mbeu yemanyepo pamusika hwawedzera. Mbeu idzi dziri kutengeserwa kuvarimi vasingazive.

“Pari zvino kwave nenyaya gumi nenhatu dzevanhu vaitengesa mbeu yemanyepo inosvika matani 7.8 uye dzakamirira kupinda mumatare. Mbeu idzi dziri kutengeswa munzvimbo dzisingafaniri kutengeserwa. Izvi zviri kudzorera kumashure donzvo renyika rekupedza nzara sezvinodiwa pasi pechirongwa cheNational Development Strategy 1 (NDS1).

“Naizvozvo mapurisa eZRP achasimbaradza zviri mumutemo weSeed Act, Chapter 19: 13 nekusunga vose vachaonekwa vachitengesa mbeu yemanyepo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti veruzhinji kana vakaona pari kutengeswa mbeu yemanyepo, vakasununguka kuzivisa mapurisa panhare dzinoti Harare Operations 0242 748 836, Bulawayo Operations 029 885 479, National Complaints Desk 0242 703 631 neWhatsApp 0712 800 197

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>