Vatori venhau vakachiona

05 Jul, 2014 - 18:07 0 Views
Vatori venhau vakachiona CHABVONDOKA . . . mifananidzo iyi inotaridza Violet Chita achibata huruweki mutori wenhau weKwayedza, Kingstone Mapupu, apo amai vake, Mai Pauline Chitsa vaiedza kurandutsira. - Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

CHABVONDOKA  . . . mifananidzo iyi inotaridza Violet Chita achibata huruweki mutori wenhau weKwayedza, Kingstone Mapupu, apo amai vake, Mai Pauline Chitsa vaiedza kurandutsira. - Mifananidzo: Memory Mangombe

CHABVONDOKA . . . mifananidzo iyi inotaridza Violet Chita achibata huruweki mutori wenhau weKwayedza, Kingstone Mapupu, apo amai vake, Mai Pauline Chitsa vaiedza kurandutsira. – Mifananidzo: Memory Mangombe

MUTORI wenhau Kingstone Mapupu nemusi weMuvhuro svondo rino akaona chakati tende apo akapona nepaburi retsono zvichitevera kukachukirwa kwaakaitwa pahuro nemumwe mukadzi wechidiki waaida kuita hurukuro naye.
Mapupu nemutori wemifananidzo, Memory Mangombe, vakasvika panhamba 3880 Unit D, kuChitungwiza vachida kunzwisisa nenyaya yaViolet Chita (28), uyo ari kuti anoitwa mudzimai nenyoka nezvidhoma.

Pakasvika Kwayedza pamba apa, amai vemukadzi uyu, Mai Pauline Chita (49), ndivo vakavatambira vatori venhau ndokuzoshevedza mwana wavo kuti varondedzere dambudziko rake vari pamwe chete.

Violet akasvikogara naamai vake vakatarisana nevatori venhau avo vainge vapihwa zvigaro pavheranda.

Mai Chita vachingotanga kutaura dambudziko remwana wavo, Violet akakarara semudzimu ndokukwakuka achinobata amai vake pahuro achivati vainge vashevedzerei vatori venhau.

“Mashevedzerei vanhu venyu ava? Ndivo vanamati vanogona here kutonga nyaya dzekusowe rangu? Ngavabve pano, ngavabve pano, muchandiguta nhasi nevanhu venyu ivavo hamundizive!” akadaro Violet achikarara nezwi riri pamusoro.

Amai vake ainge akatovagara matunduru.

Munyori wenyaya ino akatanga kunzwa musoro sewairema nevhudzi hombe zvisinei kuti ane muparavara.

Mangombe paakaona mutambo waipa, akasvetuka nekamera yake ndokunomira nechekure sehuku yavhungwa negondo.

Pakarepo Violet akakwakuka ndokunobata Mapupu pahuro ndokumukanyanga achikararadza nekuwomba achiedza kumupunzira pasi.

“Iwe murume iwe, wauya pano kuzoda kutonga nyaya dzekumasowe kwangu ungadzikwanise here? Ini ndinoda ropa nevakadzi vevanhu vandinonamata navo, nekuti handina mukadzi.

“Ndati unozvigona here? Handina nyaya dzekumasowe kwangu dzinotongwa newe. Ndinoda kukupwanyira magirazi iwayo anoita kuti ude kuona manhingi, neni tinopedzerana. Ibva pano!” akadaro Violet achinobata magirazi anopfekwa naMapupu.

Pairwisana mutori wenhau naViolet, amai vake vakauyawo ndokutanga kutakanura vaviri ava, kabhuku nechinyoreso zvaMapupu zvarasirwa kwakadaro.

Magirazi aMapupu akabva adonhera pasi uye Violet akazobatiranwa nemutori wenhau uno naamai vake ndokunokiirwa mumba.

Bhuku remutori wenhau rainge raitwa zvipisi-zvipisi nemukadzi uyu apo ainge akamufasira kumudhuri. Vamwe vanhu vepamba apa nevavakidzani vakaunganira firimu remahara iri.

Mapupu akasara amarwa pedyo neziso nenzara dzaViolet.

Amai vaViolet vakazobongomora kuchema vachiti mweya uri pamwana wavo haudi kuti abatsirwe. Mushure mechinguvana, Violet akazoburitswa mumba maaiva ambopfigirwa, abengenuka zvekusaziva zvose zvainge zvaitika.

Akazokumbira ruregerero mushure mekutsanangurirwa nezvibhaisikopo remahara iri.

“Sorry zvenyu hanzvadzi, ndizvo zvinoita mweya wacho. Haudi kuti ubviswe pandiri. Pamanga muchiuya ndazviziva ndikanzi nezwi ndisataure nemi ndichinzi ndiri kufumura pamasowe. Mweya uyu unoziva zvose zvandinoita muupenyu hwangu,” akadaro ava kutopisa tsitsi.

Anoti anotukwa nezvinonyadzisira kana achinge aita zvisingadiwe nemweya uyu.

Vatori venhau havana kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

 

Share This:

Sponsored Links