Vavakidzane tiba!

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Vavakidzane tiba!

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUKOMANA wekuendeswa kudare nemuvakidzani wake achinzi ari kumushungurudza akazochema-chema achiti haana mhosva, asi kuti murume uyu ane daka naamai vake.

Muneinazvo Chibvuri akamh’anarira Owen Frank kudare reHarare Civil Court.

“Ndauya nemuvakidzani wangu kuno kudare ndichida kuti amiswe kuuya kumba kwangu achindityisidzira, kundituka nekunditaurira mashoko anondishungurudza,” anodaro Chibvuri. Anoti ava kugara achitya kufa nekuti Frank anomutyisidzirwa nerufu.

“Ndava kutogara ndichitya nekuti mukomana uyu akati anokwanisa kundiuraya. ,” anodaro Chibvuri.

Frank anoti haapokane nechikumbiro chaChibvuri nekuti kumba kwake haaendeko kana kumutyisidzira nekutaura zvisina kunaka kwaari.

Anoti Chibvuri naamai vake ndivo vanonetsana nekuda kwezvakaitika kare.

“Changamire, handipokane nechikumbiro chavo nekuti zvese zvataurwa handisati ndambozviita.

‘‘Handiende kumba kwavo kana kuda kuvhura imba yavo handisati ndazviita, kana kuvatyisidzisira,” anodaro. Chibvuri anopokana naFrank achiti kudai ainetsana naamai vake hapana chinomutadzisa kuvakwidza kudare.

“Nyaya iyoyo ndeyekuti hanzvadzi yake ndakaidzinga kumba kwemwana wangu anogara kuSouth Africa nekuti aiva ava kudanana nemukuwasha wangu.

‘‘Takambonetsana naamai vake asi zvakaitika kare zvekuti handingachengete mashoko akataurika ipapo uye kana dai amai vake vachindishungurudza, hapana chinganditadzise kuuya navo kudare,” anodaro Chibvuri.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Chibvuri gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>