Vavakidzani vodzurana vhudzi . . . nekudirana mvura

07 Oct, 2023 - 11:10 0 Views
Vavakidzani vodzurana vhudzi . . . nekudirana mvura Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti ari kushaiswa rugare nemuvakidzani wake uyo anogara achimurwisa uye akasvika pakumudzura vhudzi rake remhotsi mumusoro.

Steven Makaza akazvuzvurudzira Boaz Nemadziva kudare reHarare Civil Court achiti anouya pamba pake kuzomutuka nekumurwisa pamusaka petunyaya tusina maturo.

“Rimwe zuva vakauya pamba pangu kuzondirwisa vachiti ndarova mwana vavo, vakasvika pakundidzura vhudzi rangu remhotsi rikatodonha pasi,” anodaro Makaza.

Achipawo divi rake, Nemadziva anoramba zvose zviri kutaurwa achiti Makaza nemudzimai wake ndivo vasingagoni kugara nevamwe zvakanaka.

“Vane tsika yekurova vana vangu. Mumwe musi vakarova mwana wangu nemusikana wedu webasa avo takanga tatuma kunotora cheni dzepagedhi dzaakanga atora zvisina mvumo. Mufunge takatoisa jurahoro kuti tisatosangana pamusaka pekutaurisa kwavo,” anodaro Nemadziva.

Anoti paakabvunza Makaza kuti sei vaive varova mwanasikana wake nemusikana webasa, akabva atanga kumurwisa.

“Apo ndakanobvunza kuti zvafamba sei, ndipo akada kunditema nesimbi, ndikarwisawo kuti asanditeme. Mumwe musi akauya pamba pangu akandidira mugomo wemvura uye nhumbi dzedu dzatinoyanika pajurahoro redu dzikawira muyadhi mavo tinotoziva kuti dzarova nekuti kunodzibvunza ihondo chaiyo,” anodaro Nemadziva.

Mutongi Mandlenkosi Ndlovu vakapa mumwe nemumwe wevaviri ava gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>