Vavakidzani vorwira mango, mahabhurosi nehuku

27 Apr, 2023 - 08:04 0 Views
Vavakidzani vorwira mango, mahabhurosi nehuku

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MADZIMAI maviri vanove vavakidzani kuBudiriro 5 Extension, muguta reHarare, vakazvuzvurudzirana kudare mushure mekunetsana pamusoro pemuchero wemumango nemuhabhurosi.

Mercy Tsuro akaudza dare reHarare Civil Court kuti Anna Mutize ari kumushungurudza pamwe chete nevana pamusaka pemuchero wemuhabhurosi nemumango izvo zvine mapazi akarerekera kudivi rekumba kwake.

“Muti wemuchero wemuhabhurosi waamai ava une mapazi akarerekera kudivi rangu nekudaro pose panodonha michero vana vanonhonga vachidya. Saka amai ava vane tsika yekufurira vana vavo kuti vateme vana vangu nematombo.

“Ndave kutotya kuti vana vachakuvadzwa. Ndakazosvika pakukumbira murume wavo kuti ateme hake mapazi aya nekuti kutukwa kwacho naamai ava kwainge kwanyanya uye vainge vava kuti muchazviona zvichaitika pamuri,” anodaro Tsuro.

Anoenderera mberi achiti: “Chimwe chavanoita ndechekuti vanovhurira huku dzavo muchivanze changu dzotanga kudya muriwo. Ukavaudza kuti vadzivharire vanondituka uye vanotuka chinamato changu zvakare. Handina rugare pamusaka paamai ivava.”

Mango

Achipawo divi rake, Mutize anoramba zvose zviri kutaurwa achiti haachagari pamba apa, asi ave kugara kuWaterfalls.

“Mai ava mumwe musi ndakavasvikira vakazadza bhaghidhi remango dzangu, ndikavabvunza ivo vakati vainge vachinditemhera kuti vazondipa,” anodaro Mutize.

Mutongi Muzvare Tamara Chibindi vakapa Tsuro gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>