‘Vechidiki musagarire mawoko nguva ino’

25 Sep, 2015 - 01:09 0 Views
‘Vechidiki musagarire mawoko nguva ino’ Lloyd Masango achidiridza mibhedha yenhondo dzefodya mubindu ravo revechidiki kwaMagaya kuGuruve nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURIMI wechidiki kudunhu raMambo Bepura kuGuruve, kuMashonaland Central okurudzira vamwe vezera rake kuti vasagarire mawoko asi kuti vapinde mukurima zvirimwa zvakasiyana zvakaita sefodya izvo zvinogona kuvapa pundutso muupenyu hwavo. LIoyd Masango (21) wekwaSabhuku Chingwaru kwaMagaya anoti ari kuwana raramo kubva mukurima fodya uye parizvino ane nhondo dzefodya dzave kuda kudyarwa munguva pfupi iri kutevera.

“Vechidiki vazhinji muno vave kurima fodya apo tiri kubatsirana nevabereki vedu nekuti nekuda kwekushaikwa kwemabasa takaona kuti tikangogara hapana chedu. Izvozvi nhondo dziri mubindu redu ndedze varimi gumi, kusanganisira ini. Takazviitira pamwe chete kuti tisanetsekane pakudiridza nekukomberedza ruzhowa rwebindu redu,” akadaro.

Anoti upenyu hwavo hwasimukira zvikuru nekurima fodya uye mwaka wakadarika akarima munda wefodya wakatandavara mahekita maviri.
“Ndakarima mbeu yeKutsaga yeKRK26 inova yandakadyara izvozvi, ndinoti kune vamwe vangu vechidiki ngavapinde mukurima pane kumhanyira kunotsvaga mabasa nekuti mabasa acho hakuna. Izvozvi ndave nemombe dzangu neimwe midziyo yepamusha,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>