‘Vechidiki siyai zvinodhaka’

21 Feb, 2024 - 22:02 0 Views
‘Vechidiki siyai zvinodhaka’ Butholezwe Mpala

Kwayedza

Kingstone Mapupu

ZVIZVARWA zveZimbabwe neChitatu chino zvabatana mukupemberera zuva revechidiki reNational Youth Day uye mhemberero huru dziri kuitwa kuMushagashe Training Centre, kuMasvingo.

Kwayedza yaita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana avo vanopa mafungiro avo pamusoro pezvavanotarisira kuti zviitwe kusimudzira raramo yevechidiki.

VaButholezwe Mpala (42) vanogara kuMt Hampden, muHarare, uye kumusha vachibva kwaMambo Mvutu, kuLupane, vanoti dambudziko rekutora zvinodhaka nevechidiki kushaya zvekuita nekudaro vanofanirwa kutsvagirwa mabhindauko ekuita.

“Vechidiki tiri kuomerwa nekurarama zvekuti unoguma wava kuzvivaraidza nekutora zvinodhaka izvi zvakaita semutoriro, mbanje nezvimwe. Semuenzaniso, unogona kurwara woenda kuchipatara woguma wava kunzi uende kunoongororwa kunzvimbo dzinoda US$300 kana kudarika. Saka nekuda kwekushaya, unoguma wava kutora zvinodhaka izvi kuti uvarairwe,” vanodaro VaMpala.

Princess Mpofu

Princess Mpofu (19) wekuBulawayo anokurudzira vabereki kuti vaendese vana vavo kuzvikoro pane kuti vagare pamba vachizoguma vasina zvekuita izvo anoti zvimwe zvezvikonzero zvinoita kuti vatore zvinodhaka.

“Tinokumbira kuti vabereki vatiendese kuchikoro kunyange zvikavaomera sei nekuti munhu ukadzidza upenyu hunoita nyore nekudaro kumwe kutora zvinodhaka kushaya zvekuita,” anodaro Mpofu.

Trevor Makumbe (16) wekuBuhera anokurudzira Hurumende kuti ivavakire nhandare dzakawanda dzekuitira mitambo yakasiyana kuti vawane zvinovavaraidza pane kuti vagare mudzimba.

Trevor Makumbe

“Kukava nenhandare idzodzi nemalibraries ekuverengera mabhuku akawanda tinowana kwekuswera,” anodaro Makumbe.

Cassandra Kadura (19) wekuAvondale, muHarare uye kumusha achibva kuBikita, kuMasvingo, anoti dambudziko revechidiki vari kutora zvinodhaka rakura munyika.

“Tinokumbira vakuru kuti vatitsvagire zvekuita towana kwekuitira mashoo akadai semodelling, kushambira, nezvimwe nekuti tikagara kudzimba tinoguma tava kutora zvinodhaka,” anodaro Kadura.

VaProsper Dongo (45) vekwaMurehwa vanotiwo: “Ngatisimudzirei vechidiki nekuvawanisa mabasa ekuita akaita sekupfuya huku, kurima nezvimwe nekuti vakashaya zvekuita vanoguma vave kutora zvinodhaka.”

Share This:

Sponsored Links