‘Vechidiki zvibatei’

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Vechidiki zvibatei’

Kwayedza

VECHIDIKI vokurudzirwa kuti vazvibate senzira yekuzvichengetedza kubva kuzvirwere zvepabonde zvinosanganisira HIV neAIDS.

Kurudziro iyi yakaitwa nemuimbi wemusambo weSungura wekuChipinge, Joseph Techu, uyo achangobva kubura dambarefu rake idva rinonzi Kunosara Ani?

“Vamwe vechidiki vari kuvarairwa mazuvano nemafaro pamwe nezvinodhaka zvavari kutora vokanganwa kuchengetedza hutano. Kune vamwe vavo vari kubatwa nezvirwere mushure mekutora zvinodhaka vokanganwa kuzvidzivirira kana kuzvichengetedza apo vanenge vachisasana. Vechidiki ndivo vakabata ramangwana renyika naizvozvo vanofanira kuzvichengetedza,” anodaro Techu.

Techu – uyo anoimba nechikwata cheThe Sounds of Nharirire – akatsikisa dambarefu rake rekutanga muna2011 rinonzi Torai Magumbeze.

Anoti padambarefu rake idzva kambo kanonzi “Kunosara Ani?” ndiko kari kunyanya kufarirwa nevakawanda.

“Mukambo aka ndiri kuti vechidiki vakasangwarira tichapera tese nedenda reAIDS. Vamwe vechidiki vari kupinda muwanano kana kusangana kumafaro nevadikani vavo vanenge vagara vaine denda iri. Mubvunzo wangu pakambo aka ndewekuti tikasangwarira dambudziko iri manje kunosara ani? Ndiri kukurudzira veruzhinji, kunyanya vechidiki, kuti vagare vachiziva mamiriro avakaita maringe neutachiona hweHIV. Vanasikana ngavasakasirawo kuda kuita zvepabonde nevarume vakuru vakadya nyika rutivi kare ivo vachiri vadiki, hutano hunokosha kukunda mari yavanenge vachida kuvarume vakuru ava,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>