‘VEZVIKORO MATIURAYA’

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
‘VEZVIKORO MATIURAYA’ kevin Mapanda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNYORI mukuru mubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Tumisang Thabela, vanoti zvikoro zvinofanira kutevedza matanho anodiwa nemutemo kana zvichida kukwidza mari dzemafizi.

Mashoko avo anotevera kuchema-chema kuri kuitwa nevabereki nevamwewo vanhu zvichitevera kukwidzwa kwemari dzechikoro dzetemu inouya nezvimwe zvikoro.

Zvimwe zvikoro zvakaita seSt Dominic kuChishawasha zviri kuda mari yefizi inosvika $12 200 patemu kuchitiwo Sandringham High iri pedyo neNorton iri kudaidzira $11 896 kusanganisira mayunifomu.

Zvikoro zvizhinji zvakazvimiririra zviri kuda mari yekunze kana kuti yemuno inoenderana nemari yekunze.

Regina Mundi Convent Primary iri kuHighfield iri kuda US$280 petemu.
“SeHurumende, tinoti zvikoro zvose zvinototanga zvagara pasi nesangano reSchool

Development Committee (SDC), vowirirana kana vachida kukwidza mari.

Vanozonyorera kuHurumende kuti vatenderwe kukwidza mari dzechikoro, kusanganisira zvikoro zvebhodhingi nezvemaTrust Schools nekuti zvakanyoreswa kwatiri,” vanodaro Mai Thabela.

Kwayedza yakashanyira zvikoro zveHurumende nezvemakanzuru muguta reHarare nekuChitungwiza ndokuita hurukuro nevamwe vabereki vaitsvaga nzvimbo dzevana dzegore rinouya.

“Ini ndainge ndambonyorera ndichitsvaga nzvimbo dzevana vangu mapatya paindaneti ndikapindurwa kwose kwandaida, asi dambudziko rakazovapo apo takaziviswa nezvemari dzechikoro idzo dziri kusvika kuma$10 000 patemu.

“Ndipo pandakaona kuti handingazvikwanise uye fizi iyi iri kunzi inogona kuzongokwira chero nguva kana chikafu chikaramba chichikwira muzvitoro.

“Saka ndaona zviri nani kuti ndiendese vana vangu kuzvikoro zvemudhuze matinogara muno muChitungwiza,” vanodaro VaJackson Matiro (45) vekuUnit B avo vaitsvaka nzvimbo paSeke 4 Secondary.

Vamwe vabereki ndivo vari kugunun’una kuti havasati vawedzerwa mari dzavanotambira kumabasa nekudaro havachakwanisa kubhadharira vana vavo mari dziri kudiwa nezvikoro.

“Hatisati tawedzerwa peyi kumabasa asi zvinhu zviri kungoramba zvichikwira. Hongu, mari dzechikoro dzinofanira kukwira kuitira kuti varairidzi vawane zvekushandisa zvakakwana kuti vadzidzise nechido vachiwanawo peyi, asi mubereki ndiye ave kutambura. Hurumende ngaipindire nekuti kana tiri toga hatichazvigona,” vanodaro VaKelvin Mapanda (44).

VaTawanda Karombo (35) vanoti vabereki ngavadzidze kuendesa vana vavo kuzvikoro zviri munharaunda dzavanogara pane kuita makwikwi ekuendesa vana kumabhodhingi.
“Panguva ino yekunetsa kwezvinhu, ngatiitei zviripo kana vachigona tikavatsigira vanopasa,” vanodaro.

VaPachawo Kativhu (33) vanoti havachakwanisa kubhadhara mari inodiwa kuzvikoro nekuti havana basa rakati tsvetere rinovawanisa mari.

Kuchiti Richard Chimbangu (20) uyo anotengesa mayunifomu muHarare anoti anofara nekukwira kuri kuita zvinhu muzvikoro.

“Kana mari dzechikoro dzikakwira kana ini ndinokwidzwo mayunifomu andinotengesa.

Ndinotokwenya mhuno nekasiyanwa kuti rangu bhizimusi rava kufaya,” anodaro.

Chikamu cheSection (69(2) © chemutemo weEducation Act chinotaura nezvekodzero yedzidzo kuvana kuti inofanira kukosheswa uye imhosva inoendesa kujeri kana vakashaiswa dzidzo.

VaObert Masaraure, avo vanova mutungamiriri wesangano rinomiririra vadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ), vanoti ibasa reHurumende kuona kuti vana vawaniswa dzidzo yepachena.

“Sezviri mubumbiro remutemo, Hurumende inofanira kutsigira dzidzo yevana kuti pasawana varombo vanoishaya nekuda kwekushaya mari. Iyi ndiyo nguva yekuti

Hurumende ipindire nekuti vana vazhinji vachasiira chikoro panzira vabereki vakundikana nekuda kwekuomerwa,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nesangano reUnited Nations Educational, Scientific and Cultural Organisation (UNESCO) inoratidza kuti vana 20 400 vakasiira chikoro panzira mugore ra2018 nekuda kwekushairwa mari, nekumitiswa, pakati pezvimwe.

Share This:

Sponsored Links