Vopura mari nenzungu

25 Sep, 2015 - 01:09 0 Views
Vopura mari nenzungu VAHERBERT Chivhinge (vakamira) vaive nevamwe vashandi vekambani yavo vachikuya dovi kuMbare, muguta reHarare svondo rapera.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI venzungu kubva kumativi mana enyika vowana mukana wekutengesa zvirimwa zvavo zviri nyore kukambani itsva yeSharlom Peanut butter Project iyo iri mubhizimusi rekukuya dovi kuMbare, muguta reHarare. Muridzi wekambani iyi VaHerbert Chivhinge (40) vanoti vakatarisana nedambudziko guru rekushomeka kwenzungu dzekushandisa mubasa ravo rekukuya dovi.
“Isu tinokuya dovi pano saka nyaya hombe ndeye kutanga tatsvaga nzungu tozodzitonongora nemichina, topepeta, tokanga nenzira dzechizvino-zvino nekudzigadzira kusvika pakuzokuya dovi,” vakadaro VaChivhinge.

Pazuva vanoti vanogona kukuya dovi mabhagidhi gumi kusvika gumi nemashanu.
“Nzungu dzedu tinodziwana kuvarimi vanouya kumusika kuno kuMbare uyewo tine vamwe vanouya vachikuisa dovi ravo avo tinobhadharisa muripo mukuita basa iri.

“Redu dovi ratinokuya tinoisa mumabhodhoro madiki toendesa mumatakishopu evanhu vakasiyana muno muMbare nekumwewo uye tinotarisira kuzoendesawo kune vezvitoro zvikuru munguva iri kutevera. Dovi ratinokuya pazuva rinozara mabhodhoro 500,” vakadaro.

Vanoti ivo semunhu wechidiki vakakwanisawo kuwanisa mabasa vashandi vanokwana gumi pakambani yavo avo vanotarisira kuvawedzera nekufamba kwenguva.

Zvakadaro, vanoti semunhu achiri kutangisa vanodawo mari yechikwereti yekuti vasimukire. “Tikawana mari inokwanirana tiri kuronga kuzonotenga nzungu kumaruwa nekumapurazi sezvo varimi vedu vachiunza nzungu idzi shoma nekushaya chekutakurisa,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>