Voronga zvingaite kuti vana vapase

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Voronga zvingaite kuti vana vapase VaShumba

Kwayedza

Munyori weKwayedza
HURUMENDE iri kuita ongororo yekuona kuti ingabatsire sei zvikoro panyaya yevana vasina kubudirira mubvunzo dzeO-Level dzeZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) dzegore rapera.

Kunyangwe zvazvo zvikoro zvakawanda zvemudunhu reManicaland zviine vana vakapasa zvinodadisa mubvunzo idzi, kune vamwe vakafoira zvinonzwisa urombo.

Zvikoro zvinosvika 20 zvemudunhu iri zvine vana vakapasa nechikamu chiri pakati pe0 – 20 percent.

Mukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti vakatanga kuita misangano nevakuru vezvikoro pamwe nemasachigaro emaSchool Development Committees (SDC) padanho redistrict nechinangwa chekuti vanzwe pfungwa dzavo pamusoro pekusimudzira kupasa kwevana veO-Level.

“Kusvika pari zvino ndaenda kumadistricts anoti Chipinge neBuhera ndichisangana nevakuru vezvikoro pamwe nemasachigaro eSDC vezvikoro zvine vana vasina kubuda zvakanaka mubvunzo idzi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoda kutora matanho ekusimudzira kubudirira kwevana vemuzvikoro zvakapaswa nechikamu chiri pakati pe0 – 20 percent paO-Level yegore rapera. Misangano iyi iri kubuda nezvinobatika, sezvo vakuru vezvikoro vari kupa pfungwa dzakanaka pamusoro pekuti chii chingaitwe kuti vana vabudirire mubvunzo dzavo dzichatevera.”

VaShumba vari kukurudzira varairidzi kuti vasunge dzisimbe panyaya yekudzidzisa vana kuitira kuti vapase mubvunzo dzavo uyewo nekuona kuti vana vane hunhu hwakanaka.

“Maticha anofanira kuzvipira mubasa ravo uye kudzidzisa kwavo kunofanirwa kunyanya kunangana nekupa vana fundo ine chekuita nemabasa emawoko. Pamusoro pezvo, vakuru vezvikoro vanofanirwa kuwedzera mashandiro avo uyewo nekuona kuti vana vane hunhu hwakanaka sezvo izvi zvichabatsira mukusimudzira kupasa kwavo mubvunzo,” vanodaro.

“Tiri kubatsira zvakare maticha kuti vazive zvavanonyanya kugona nekuvhara mukaha pavari kuperevera.”

Share This:

Sponsored Links