Vovakirwa zvikoro zviviri kuChingwizi

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Vovakirwa zvikoro zviviri kuChingwizi MHURI dzinodarika 3 000 dzekuTokwe-Mukosi idzo dzakagariswa patsva nepamusaka pemafashamu dzakawaniswa rubatsiro nesangano reOrganisation of Petroleum Exporting Countries (OPEC) Fund for International Development iro riri kuvaka zvikoro zviviri munzvimbo yeChingwizi.

Kwayedza

George Maponga ari kuMASVINGO
MHURI dzinodarika 3 000 dzekuTokwe-Mukosi idzo dzakagariswa patsva nepamusaka pemafashamu dzakawaniswa rubatsiro nesangano reOrganisation of Petroleum Exporting Countries (OPEC) Fund for International Development iro riri kuvaka zvikoro zviviri munzvimbo yeChingwizi. Kuvakwa kwezvikoro zvinoti Nyuni Primary neNyuni Secondary neOPEC kuchaona mazana evana vepaChingwizi vachidzidzira muzvivakwa zvakakodzera sezvo pari zvino vamwe vachifundira mutwutangwena nepasi pemiti.

OPEC iri kuvaka zvikoro paChingwizi pasi pechirongwa chayo chekusimudzira vanotambura munyika mumatunhu matatu akanyanya kusaririra munyaya dzebudiriro. VaZedius Chitiga, avo vanova Masvingo Provincial Education Director, vanoti kuvakwa kwezvikoro zviviri izvi kwakatotanga.

“Tichange tiine zvikoro zviviri zvitsva zvinoti chepuraimari nesekondari paChingwizi izvo zviri kuvakwa pasi pechirongwa cheOPEC uye basa rakatotanga,” vanodaro VaChitiga.

Vanoti basa rekuvaka zvikoro iri rinopembedzwa zvikuru sezvo richisandura upenyu hwevanhu vekuChingwizi.

“Ndinofara zvikuru nemabasa ebudiriro munyaya dzezvivakwa zvinova zvimwe zvezvinangwa zvegwaro idzva redzidzo reNew Curriculum,” vanodaro.

VaChitiga vanoti pane hurongwa hwekuvaka zvimwe zvikoro zvishanu munzvimbo dzakasiyana dziri mudunhu iri kuburikidza nezvirongwa zvemushandirapamwe. Zvikoro zvinoda kuzovakwa ndezvinoti Mpandawana Secondary, kwaGutu, Bangala Primary iri kwaNyikavanhu, Jerera Primary kuZaka neTakunda Primary neMuleme Primary kuMwenezi.

“Makambani akazvimirira akabatana nevamwe vatsigiri munharaunda idzi vakaunganidza mari dzekuvaka zvikoro zvitsva izvi senzira yekusimudzira upenyu hwevanhu,” vanodaro VaChitiga.

Zimbabwe yakawaniswa rutsigiro rwemari inosvika $20 miriyoni kubva kuOPEC iyo ichashandiswa mukuvakwa kwezvikoro makumi maviri munyika yose.

Share This:

Sponsored Links