‘Wakadya mari yangu saka haungandirambe’

20 Sep, 2023 - 16:09 0 Views
‘Wakadya mari yangu saka haungandirambe’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUKADZI wemuguta reHarare anoti ari kugara achirohwa nekutukwa neaimbove shamwarirume yake achiti akamudya mari yake yakawandisa nekudaro hazviite kuti amurambe uye anogona kumuuraya.

Izvi zvabuda mudare reHarare Civil Court apo Pauline Mashanda amhan’arira Bonface Mikiseni achiti ari kumushaisa rugare.

“Mikiseni anongoti chero paafungira anouya mumba mandinogara otanga kundituka kana kundirova achiti ndakadya mari yake yakawandisa saka handifanire kumuramba. Mumwe musi ndakatiza ndokumukiyira mumba ndikamhanya kunoshevedza tete vangu, takasvika natete ndokumuwana abuda nepafafitera,” anodaro Mashanda.

Anoenderera mberi achiti: Rimwe zuva ndakaerekana munhu abuda nepasi pemubhedha wangu akabata banga achiti aida kundiuraira mari yake yandakadya. Handisisina mufaro nokuti tinogara padzimba dzemudurikidzwa panzvimbo imwe chete nokudaro tikasangana pavharanda anenge achida kungondivhiringidza, kundituka nekundirova chete.”

Mikiseni haana kuenda kudare.

Mutongi Sharon Mashavira vapa Mashanda gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links