Wati wambodya rupiza?

07 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
Wati wambodya rupiza? Rupiza

Kwayedza

NYANZVI dzezveutano dzinokurudzira veruzhinji kudya chikafu chechivanhu chakaita serupiza icho chinonzi chakakosha zvikuru pakuvaka muviri.
Svondo rino Mbuya Mako Mulilo vekuBikita, kuMasvingo, vanorondedzera mamwe mabikirwo erupiza zvine hunyanzvi.
Zvinodiwa:
Makomichi matatu enyemba, mafuta, dovi, munyu, mugoti nemvura.

Mabikiro:
Menya nyemba kana kupura wodzikanga.
Bvisa marara ose nekudzipepeta.
Kuya nyemba kusvika dzaita zvidimbu zvidiki.
Unogona zvakare kudzitswa muduri. Kwatisa zvawakuya zviye muhari.
Isa twumafuta twushoma kuti zvisatsvira nechepasi.
Isa munyu wokurungira dovi kana zvichinge zvaibva.
Ramba uchimona rupiza nemoto wakaderera kuti rwusatsva.
Kana dovi nerupiza zvichinge zvanyatsosangana, siya zvishinyire kwemaminitsi angaite mashanu.

Wozodii?
Kana zvadai, chingwarira kuzviruma rurimi nekunakirwa.
Kare vamwe vaidya rupiza nesadza rezviyo kana jena asi rwunogona kudyiwa rwakadaro.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>